Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Nei Jesu paainyengetera akadana Jehovha achiti “Abba, Baba”?

Shoko rechiAramaic rokuti ʼab·baʼʹ rinogona kureva “baba” kana kuti “Haiwa Baba.” Katatu kose panotaurwa shoko iri muMagwaro, rinenge richitaurwa mumunyengetero uye rinoshandiswa pachitaurwa nezvaBaba vokudenga, Jehovha. Shoko iri rinokosha zvakadini?

The International Standard Bible Encyclopedia inoti: “Mumutauro waitaurwa nevanhu vomunguva yaJesu, shoko rokuti ʼabbāʼ rainyanya kushandiswa kuratidza ukama hwepedyo huri pakati peshamwari uye nevana pavairemekedza vanababa vavo.” Aiva mashoko airatidza ushamwari hwepedyo uye ndiwo mashoko okutanga aidzidzwa nomwana. Jesu akashandisa mashoko aya zvikurukuru paainyengetera nomwoyo wake wose kuna Baba vake. Ari mumunda weGetsemane, maawa mashoma asati afa, Jesu akanyengetera kuna Jehovha nemashoko okuti, “Abha, Baba.”—Mako 14:36.

Shoko rokuti “ʼAbbāʼ kuna Mwari harina kunyanya kushandiswa mumabhuku evaJudha vomunguva yevaGiriki nevaRoma, nokuti hapana mubvunzo kuti zvaizoita sokusaremekedza kutaura kuna Mwari neshoko rainyanya kushandiswa nevanhu muukama hwavo hwepedyo,” inoenderera mberi ichidaro Encyclopedia yambotaurwa pamusoro apa. Zvisinei, “kushandisa kwakaita Jesu shoko iri paainyengetera kwakaratidza kuti aitaura chokwadi kuti aiva mwanakomana waMwari.” Pamwe pacho panowanika kaviri shoko rokuti “Abba” muMagwaro, mutsamba dzaPauro, panoratidza kuti vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaishandisawo shoko iri muminyengetero yavo.—VaRoma 8:15; VaGaratiya 4:6.

Nei chimwe chikamu cheBhaibheri chakanyorwa nechiGiriki?

Muapostora Pauro akati vaJudha vakachengeteswa “mashoko matsvene aMwari.” (VaRoma 3:1, 2) Saka, chikamu chokutanga cheBhaibheri chakanyorwa kunyanya mumutauro wechiHebheru, mutauro wevaJudha. Asi, Magwaro echiKristu akanyorwa nechiGiriki. * Nei?

Muzana remakore rechina B.C.E., mauto aishumira Alexander Mukuru aitaura mhando dzakasiyana-siyana dzomutauro wechiGiriki chekare, idzo dzaizoita kuti pave nomutauro weKoine, kana kuti chiGiriki chaitaurwa nevakawanda. Kukunda kwaiita Alexander muhondo, kwakaita kuti mutauro weKoine uzova mutauro waitaurwa munyika dzakawanda panguva iyoyo. Panguva yaaikunda kudaro, vaJudha vakanga vapararira munzvimbo dzakawanda dziri kunze kweParestina. Kunyange zvazvo vaJudha vakasunungurwa muutapwa hwokuBhabhironi muna 607 B.C.E., vakawanda havana kudzokera kuParestina. Zvakaguma zvaita kuti vaJudha vakawanda vatadze kunyatsotaura chiHebheru ndokutanga kutaura chiGiriki. (Mabasa 6:1) Kuti vabatsirwe, Magwaro echiHebheru akashandurirwa muKoine, chiGiriki chaitaurwa nevakawanda, pakabva pava neshanduro yeSeptuagint.

Rimwe duramanzwi reBhaibheri rinoti hapana mumwe mutauro “waiva wakapfuma, waiita kutsanangura pfungwa dzakasiyana-siyana, uye waifarirwa nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana.” Sezvo waiva nemashoko akawanda ainyatsotsanangura zvaidiwa, uine girama rakanaka, mashoko ezviito ainyatsobudisa pfungwa dzaisava nyore kuona, ndiwo waiva “mutauro wokukurukurirana, wokufambisa mashoko—ndiwo wainyatsodiwa nevaKristu.” Zvakanga zvisina here kukodzera kuti mutauro wechiGiriki ushandiswe pakunyora mashoko echiKristu?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Zvikamu zviduku zveMagwaro echiHebheru zvakanyorwa nechiAramaic. Zvinoita sokuti Evhangeri yaMateu yakanyorwa muchiHebheru pakutanga uye ingangove yakazoshandurirwa muchiGiriki naiye Mateu.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Chidimbu Chemanyoro eGreek Septuagint

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 13]

Courtesy of Israel Antiquities Authority