NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA May 2014

Magazini ino inotaura nzira nhatu dzatingashandisa muushumiri kuti tipindure zvinogutsa mibvunzo yakaoma. Nei zvichikosha kuti tirambe takavimbika kusangano raMwari?

‘Zvokudya Zvangu Ndiko Kuita Kuda kwaMwari’

Mambo Dhavhidhi, muapostora Pauro uye Jesu Kristu vaifarira kuita kuda kwaMwari. Tingaramba sei tichishingaira muushumiri pasinei nokuti tinoshanda mundima dzakaoma?

Tinofanira ‘Kupindura’ Sei Munhu Mumwe Nomumwe?

Tingashandisa sei Magwaro zvinobudirira kana tabvunzwa mibvunzo yakaoma? Funga nezvenzira nhatu dzatingashandisa kuti tipe mhinduro dzinogutsa.

Itira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo Paunenge Uchiparidza

Tinofanira kubata sei munhu mumwe nomumwe watinosangana naye muushumiri? Mashoko aJesu ari pana Mateu 7:12 anotibatsira sei patinenge tichiparidza?

NYAYA YEUPENYU

Chokwadi Jehovha Akandibatsira

Kenneth Little anotaura nezvokubatsirwa kwaakaitwa naJehovha Mwari kuti akunde kunyara uye kushaya chivimbo. Ona kuti Mwari akamukomborera sei mune zvose zvaaiedza kuita muupenyu.

Jehovha ndiMwari Akarongeka

Nhoroondo yevaIsraeri uye vaKristu vepakutanga dzinoratidza sei kuti vashumiri vaJehovha vari panyika vanofanira kuva vakarongeka mazuva ano?

Uri Kufambirana Nesangano raJehovha Here?

Nyika yaSatani yava kuda kuguma. Nei zvichikosha kuti tirambe takavimbika kusangano riri kushandiswa naMwari panyika mazuva ano?

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

“Pane Basa Rakakura Rokukohwa Rinofanira Kuitwa”

MuBrazil mune Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 760 000 zviri kuparadzira chokwadi cheBhaibheri. Basa rokuparidza rakatanga sei muSouth America?