NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA November 2013

Tingaratidza sei kuti tinoonga mwoyo murefu waMwari takamirira kuti Jehovha aparadze nyika ino yakaipa? Jehovha naJesu vari kufudza sei makwai avo ari panyika mazuva ano?

“Ivai Vakasvinurira Kunyengetera”

Nei vaKristu vechokwadi vachifanira kuramba vachinyengetera? Ndiani anobatsirwa paunonyengeterera vamwe?

Zvatingaita Kuti Tibatsire Vamwe

Dzidza kuti mari yemipiro yebasa remunyika yose reZvapupu zvaJehovha inobatsira sei kutsigira vamwe pane zvokurarama uye zvekunamata.

Tingaramba Sei ‘Takamirira?’

Zvii zvicharatidza kuti nguva yedu yokumirira kuti Jehovha aparadze nyika ino yakaipa yava kupera? Tingaratidza sei kuti tinoonga mwoyo murefu waMwari?

NYAYA YEUPENYU

Kunamata Mwari Ndiwo Mushonga Wake!

Onesmus akaberekwa aine chirwere chemapfupa asina kusimba. Zvinovimbiswa naMwari zviri muBhaibheri zvakamukurudzira sei?

Vafudzi Vanomwe Nemachinda Masere Ndivanaani Mazuva Ano?

Hezekiya, Isaya, Mika, nemachinda eJerusarema vakaratidza sei kuti vaiva vafudzi vakanaka? Mazuva ano ndivanaani vanomirirwa nevafudzi vanomwe nemachinda masere?

Teererai Vafudzi Vakagadzwa naJehovha

Vatariri vakagadzwa nemudzimu mutsvene kuti vafudze ungano yaMwari. Nei makwai achifanira kuvateerera?

Vafudzi, Tevedzerai Vafudzi Vakuru Vanopfuura Vose

Kana mumwe munhu ari muungano achida kubatsirwa pakunamata, vakuru vangaitei? Vakuru vangatevedzera sei “mufudzi mukuru,” Jesu Kristu?

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

“Ndakanga Ndakaita Sekamba Iri Mumakwati”

Gore ra1929 rava kupera, upfumi hwenyika yose hwakaparara zvikakonzera Great Depression. Vaparidzi venguva yakazara vaizoita sei panguva iyi yakaoma?