Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nhengo Itsva yeDare Rinodzora

Nhengo Itsva yeDare Rinodzora

Mangwanani omusi weChitatu September 5, 2012, mhuri yeBheteri yokuUnited States neyokuCanada dzakaziviswa kuti kwava nenhengo itsva yawedzerwa muDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Kubva musi wa1 September, 2012, Hama Mark Sanderson vakatanga kushumira senhengo yeDare Rinodzora.

Hama Sanderson vakakurira kuSan Diego, California, U.S.A. vachirerwa nevabereki vavo Zvapupu uye vakabhabhatidzwa musi wa9 February, 1975. Vakatanga kushanda sapiyona muSaskatchewan, Canada, musi wa1 September, 1983. Muna December 1990, vakapedza kudzidza mukirasi yechinomwe yeChikoro Chokudzidzisa Vashumiri (chava kunzi Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora) muUnited States. Hama Sanderson vakagadzwa kuva piyona chaiye kuchitsuwa cheNewfoundland, Canada, muna April 1991. Pashure pokunge vamboshanda semutsivi womutariri wedunhu, vakakokwa kuti vazova nhengo yemhuri yeBheteri kuCanada muna February 1997. Muna November 2000, vakanzi vanoshandira kubazi rokuUnited States kwavakanoshanda muDhipatimendi Remashoko Echipatara uye vakazochinjirwa kuDhipatimendi Rebasa.

Muna September 2008, Hama Sanderson vakapinda Chikoro Chenhengo Dzedare Rebazi uye vakagadzwa kuva nhengo yeDare Rebazi kuPhilippines. Muna September 2010, vakakokwa kuti vadzoke zvekare kuUnited States kwavakanoshanda somubatsiri muDare Rebasa reDare Rinodzora.