Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha?

Dare Rinotungamirira iboka duku revaKristu vane ruzivo rwakakura panyaya dzokunamata uye ndiro rinopa Zvapupu zvaJehovha pasi rose mirayiridzo. Boka iri rinoita mabasa maviri:

Dare Rinotungamirira rinotevedzera zvaiitwa ‘nevaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema’ pakatanga chiKristu, avo vaimiririra ungano yose yechiKristu pazvinhu zvavaisarudza. (Mabasa 15:2) Saka nhengo dzeDare Rinotungamirira dzinoshandisa zvinotaurwa neBhaibheri pazvinhu zvavanoita dzichiratidza kuti dzinobvuma kuti Jehovha Mwari akagadza Jesu Kristu kuti ave Musoro weungano.—1 VaKorinde 11:3; VaEfeso 5:23.

Ndivanaani vari muDare Rinotungamirira?

Vari muDare Rinotungamirira ndiKenneth Cook, Jr., Samuel Herd, Geoffrey Jackson, Stephen Lett, Gerrit Lösch, Anthony Morris III, Mark Sanderson, naDavid Splane. Vanoshanda vari pamahofisi edu makuru ari kuWarwick, New York, U.S.A.

Dare Rinotungamirira rakarongwa sei?

Dare Rinotungamirira rine makomiti 6 anotarisira mabasa akasiyana-siyana uye mumwe nomumwe wavo anoshanda mukomiti imwe kana maviri.

  • Komiti Yevanoronga: Inoona nezvenyaya dzemumatare uye inobatsira kana paitika njodzi, kana kuti Zvapupu pazvinotambudzwa panyaya dzechitendero uye dzimwewo nyaya dzinofanira kukurumidza kugadziriswa dzine chokuita neZvapupu zvaJehovha.

  • Komiti Yevashandi: Inoona nezvevanhu vanoshanda paBheteri.

  • Komiti Inobudisa Mashoko: Inoona nezvekudhindwa, kutumirwa kwemabhuku eBhaibheri uye kuvakwa kwezvivako zvinoshandiswa pakunamata, mahofisi eshanduro nezvivako zvinoshandiswa nebazi.

  • Komiti Yebasa: Inoona nezvebasa redu rokuparidza “mashoko akanaka oumambo.”—Mateu 24:14.

  • Komiti Yekudzidzisa: Inoona nezvezvinhu zvinodzidzwa pamisangano, pazvikoro zvinorongwa nesangano uye zvinhu zvinorekodhwa zvakadai semavhidhiyo nezvimwewo.

  • Komiti Yekunyora: Inoona nezvokunyorwa uye kushandurwa kwemabhuku edu uye zvinhu zvinoiswa panzvimbo yedu yepaIndaneti.

Kunze kwezvataurwa pamusoro apa, vhiki roga roga Dare Rinotungamirira rinoungana kuti rikurukure zvinhu zvinenge zvichidiwa musangano. Pavanoita misangano iyi, vanoshandisa zvinotaurwa neMagwaro uye vanobvumira mweya mutsvene waMwari kuti uvatungamirire pane zvose zvavanosarudza.—Mabasa 15:25.

Ndivanaani vanobatsira Dare Rinotungamirira?

Boka revaKristu vakavimbika ndiro rinobatsira makomiti eDare Rinotungamirira. (1 VaKorinde 4:2) VaKristu ava vanhu vane unyanzvi uye vava nenguva yakareba vachiita basa rinoenderana nekomiti yavanenge vari. Makomiti avanoshanda maari paanoita misangano yawo vhiki nevhiki vanhu ava vanovabatsira vanenge varipowo. Vanopawo mazano nemashoko anogona kubatsira Dare Rinotungamirira pakuzoziva zvokusarudza uye kana Dare Rinotungamirira riine zvarasarudza vanhu ava ndivo vachaona kuti zvasarudzwa zvacho zvashandiswa here. Dare Rinotungamirira rinogonawo kutuma vanhu ava kune dzimwe nyika kuti vanosimbisa vatinonamata navo kana kuti vanodzidzisa pamusangano wepagore kana kuti pamusangano wevanhu vanenge vapedza kudzidza kuchikoro cheGiriyedhi.

MAZITA EVANHU VANOBATSIRA

Komiti

Zita

Yevanoronga

  • John Ekrann

Yevashandi

  • Gerald Grizzle

  • Patrick LaFranca

  • Daniel Molchan

  • Ralph Walls

Inoona Nezvekubudiswa Kwemabhuku

  • Robert Butler

  • Harold Corkern

  • Gajus Glockentin

  • Donald Gordon

  • Robert Luccioni

  • Alex Reinmueller

  • David Sinclair

Yebasa

  • Gary Breaux

  • Joel Dellinger

  • Seth Hyatt

  • Christopher Mavor

  • Baltasar Perla, Jr.

  • William Turner, Jr.

  • Leon Weaver, Jr.

Yekudzidzisa

  • Ronald Curzan

  • Kenneth Flodin

  • William Malenfant

  • Mark Noumair

  • David Schafer

Yekunyora

  • Robert Ciranko

  • James Mantz

  • Izak Marais

  • Clive Martin

  • Leonard Myers

  • Gene Smalley

  • Hermanus van Selm