Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuremekedzwa Kwevanhu—Kodzero Inowanzotyorwa

Kuremekedzwa Kwevanhu—Kodzero Inowanzotyorwa

Kuremekedzwa Kwevanhu—Kodzero Inowanzotyorwa

“Zvose zvaiitwa mumusasa raiva rimwe rematanho aidzikisira upenyu hwevanhu uye kuremekedzwa kwavo.”—MAGDALENA KUSSEROW REUTER, MUMWE WEVAKAPONA MUMUSASA WEVASUNGWA WENAZI.

KUNYANGE zvazvo utsinye hwaiitwa mumisasa yevasungwa yeNazi pairwiwa Hondo Yenyika II hwaiva hwakaipisisa, hwakanga husiri kutanga uyewo husiri kupedzisira kwokudzikisira unhu hwevanhu. Kunyange tikaongorora zvakaitika kare kana kuti zviri kuitika iye zvino, zviri pachena kuti: “Kudzikisirwa kwounhu hwevanhu uye kwokuremekedzwa kwavo” ndozvagara zvichiitika.

Zvisinei, kutyorwa kwekodzero dzokuremekedza unhu hwevanhu hakugumiri pautsinye hwave huchiitirwa vanhu kubvira kare. Kodzero dzevanhu dzinowanzotyorwa nenzira dzisiri nyore kuona. Funga nezvomwana anosekwa nemhaka yezvaari. Kana kuti munhu wokune imwe nyika anosekwa nokuda kwedzimwe tsika “dzokwake.” Kana kuti munhu anosarurwa nemhaka yoruvara rweganda rake kana kuti rudzi rwake. Vanozviita vangaona nyaya yacho sejee, asi kurwadziwa uye kudzikisirwa kunoitwa vaya vanenge vachitsvinyirwa hakunakidzi.—Zvirevo 26:18, 19.

Kuremekedza Munhu Kuita Sei?

Rimwe duramashoko rinorondedzera kuremekedzeka richiti ‘kuva munhu akakodzera, anokudzwa kana kuti anoyemurwa.’ Naizvozvo kuremekedza vanhu kunosanganisira maonero atinozviita uye nzira iyo vamwe vanotibata nayo. Kunyange zvazvo paine zvinhu zvakasiyana-siyana zvingakanganisa manzwiro atinoita nezvedu, maonerwo uye mabatirwo atinoitwa nevamwe ndiwo anonyanya kukosha papfungwa yedu yokuzviremekedza muupenyu hwezuva nezuva.

Nzanga imwe neimwe ine vanhu vayowo varombo; kwozouyawo vamwe vasingagoni kuzvidzivirira uye vamwe vari nyore kudzvinyirirwa. Zvisinei, kuva mumamiriro ezvinhu akadaro hakudzikisiri hako pfungwa yokuzviremekedza. Maonero uye maitiro evamwe ndiwo anogona kuvhiringidza pfungwa yokuzviremekedza. Zvinonzwisa tsitsi ndezvokuti vanhu vari mumamiriro ezvinhu anosuruvarisa kazhinji ndivo vane kodzero dzinotyorwa kana kuti dzinozvidzwa. Kazhinji chaizvo patinonzwa mashoko akadai sokuti “haubatsiri, “haukodzeri,” kana kuti “uri benzi” panenge pachibatwa zvisina kunaka vakwegura, varombo, vane pfungwa dzisinganyatsoshandi zvakanaka kana kuti vakaremara!

Nei vanhu vachizvidzana? Vanhu vachazombowana kodzero yavo yokuremekedzwa here? Nyaya inotevera inobva muShoko raMwari Bhaibheri ichapindura zvinogutsa.