“Havana Kubvumirana Pane Zvisina Kufanira”

“Havana Kubvumirana Pane Zvisina Kufanira”

“Havana Kubvumirana Pane Zvisina Kufanira”

JESU KRISTU akaudza vadzidzi vake kuti, “Munofara imi apo vanhu vanokuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema chinhu chakaipa chorudzi rwose nokuda kwangu.” (Mateu 5:11) Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvinofara nokuti maererano nedzidziso dzaKristu uye muenzaniso wake, zvinoramba ‘zvisiri rutivi rwenyika’ uye zvinoramba zvisina kwazvakarerekera zvachose mune zvematongerwe enyika uye zvinoramba zvakavimbika kuna Mwari mumamiriro ose ezvinhu.—Johani 17:14; Mateu 4:8-10.

Nezvokusabvumirana pane zvisina kufanira kwakaitwa neZvapupu zvaJehovha zvaiva muyaimbova Soviet Union, kusanganisira zviya zvaiva muEstonia, Toomas Paul, mufundisi wechechi yeLutheran uye mushanduri weBhaibheri, akanyora mubhuku rake rinonzi Kirik keset küla (Chechi Iri Pakati Pomusha), kuti: “Vashomanana vakanzwa zvakaitika mangwanani-ngwanani omusi waApril 1, 1951. Pakarongwa kuti Zvapupu zvaJehovha nevose vaizvitsigira vadzingwe munyika—vanhu 279 vakatorwa ndokuendeswa kuSiberia . . . Vakapiwa mukana wokusaina fomu rokuti varambe zvavanotenda kuitira kuti vasadzingwa munyika kana kusungwa. . . . Vaiva 353 kana vasanganiswa nevaya vakanga vambosungwa, pamwe chete nevanhu vanenge 171 vaingowadzana neungano dzavo. Havana kubvumirana pane zvisina kufanira—kunyange pavaiva kuSiberia. . . . Hadzisi nhengo dzakawanda dzeChechi [yokuEstonia yechiLutheran] dzine kutenda kwakafanana nokweZvapupu zvaJehovha.”

Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvinovimba kuti Mwari anozvibatsira kuti zvirambe zvakatendeka uye zvichimuteerera pasinei nokutambudzwa. Zvinofara kuziva kuti mubayiro wokutendeka kwazvo mukuru.—Mateu 5:12.