Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Matambudziko Ane Chokuita Nebasa

Matambudziko Ane Chokuita Nebasa

Matambudziko Ane Chokuita Nebasa

“Kushanda—kushanda! Zvinofadza zvikuru kuziva kuti tichine basa rokuita.”—Nomunyori anonzi Katherine Mansfield (1888-1923).

UNOONA basa zvakanaka kudaro sezviri mumashoko ari pamusoro apa here? Iwe pachako unoona sei basa? Zvichida unoona basa sechinhu chisingafadzi chinotora nguva yakawanda chaunofanira kutsungirira paunozongozorora pakupera kwevhiki here? Kana kuti unonyanya kuda basa rako here zvokuti wava kutopindwa naro muropa?

Vanhu vakawanda vanopedza chikamu chikuru chenguva yavanenge vakamuka vachishanda. Basa ndiro ringaita kuti tisarudze kwatichagara uye mararamiro atichaita. Kubvira pavanoyaruka kusvikira vava pamudyandigere, vakawanda vanoona kuti chavanonyanya kuita muupenyu hwavo kushanda. Vamwe vedu tinogutsikana zvikuru nebasa ratinoita. Vamwe vanoyera kunaka kwebasa nokuti rinovawanisa marii kana kuti rinovapa chinzvimbo chakadii, asi vamwe vanoona basa sechinhu chokungovaraidza nguva kana kutoti sechinhu chinopedza nguva.

Kunozoitawo vaya vanoshandira kurarama uye vaya vanoraramira kushanda; vamwe vanofira pabasa ravo kana kuti vanourayiswa naro. Somuenzaniso, maererano nomumwe mushumo weUnited Nations uchangobva kubudiswa, basa rinokonzera marwadzo akawanda norufu “kudarika hondo kana zvinodhaka nokunwa doro zvisina kufanira zvose zvasanganiswa.” Richitaura nezveizvi, pepanhau rokuLondon rinonzi The Guardian rakati: “Gore roga roga vanhu vanodarika mamiriyoni maviri vanofa pamusana petsaona dzinoitika mumabasa kana kuti nehosha . . . Kushandira pane huruva, makemikari, ruzha uye pazuva kuri kukonzera kenza, hosha yemwoyo uye sitiroko.” Kushandiswa kwevana nokumanikidzwa kushanda ndizvo zvimwe zvinhu zvakaipisisa zvinowanika kumabasa mazuva ano.

Uyezve, pane chimwe chakanzi nenyanzvi yezvepfungwa Steven Berglas “kurukutika zvikuru.” Anorondedzera nezvomushandi anobishaira asvika pachinzvimbo chepamusoro-soro pabasa rake uyo anongonzwa “kutya kusingaperi, kuora mwoyo, kushushikana mupfungwa kunokonzerwa nokufunga kuti akapinda basa raasingagoni kusiya kana kuti risingamugutsi mupfungwa.”

Musiyano Wokushanda Nesimba Nokungogara Uchishanda

Munyika ine vanhu vakawanda vanoshanda kwemaawa akawanda, zvinobatsira kusiyanisa vanhu vanoshanda nesimba nevanhu vanongogara vachishanda. Vanhu vakawanda vanongogara vachishanda vanoona kwavanoshandira senzvimbo yakachengeteka munyika ine ngozi isingazivikanwi kwayakananga; vanhu vanoshanda nesimba vanoona basa serinokosha uye dzimwe nguva sechinhu chinogutsa. Vanhu vanongogara vachishanda vanoita kuti basa risavabvumira kuita zvimwe zvinhu zvose zvoupenyu; vanhu vanoshanda nesimba vanoziva nguva yokudzima kombiyuta, nguva yokusiyana nezvinhu zvine chokuita nebasa, uye somuenzaniso, vanowana nguva yokupemberera zuva romuchato wavo. Vanhu vanongogara vachishanda vanogutsikana mupfungwa dzavo nokushanda zvokupfurikidza uye vanonzwa zvinhu zvichivafambira kana vadaro; vanoshanda nesimba havanzwi saizvozvo.

Nyika yemazuva ano haisiyanisi zvinhu zviviri izvi sezvo ichikurudzira kushanda zvokupfurikidza. Makombiyuta, nhare dzeserura, uye mapeja zvingaita kuti kumba kusava nomusiyano nokubasa. Kana vachigona kushanda vari panzvimbo chero ipi zvayo uye panguva chero ipi zvayo, vamwe vanobva vashanda zvokuzviuraya.

Vamwe vanhu vanoita sei nemafungiro asina kunaka akadaro? Nyanzvi dzinodzidza nezvemagariro evanhu dzakaona kuti vanhu vanoshanda zvokupfurikidza uye vanonyanya kushushikana mupfungwa vanobatanidza zvokunamata nebasa, vobatanidza upenyu hwokunamata noupenyu hwebasa. Rimwe pepanhau rinonzi San Francisco Examiner rakati “vanhu vazhinji vava kusanganisa zvinhu zvokunamata nebasa.”

NezveSilicon Valley, muzinda wezvokugadzirwa kwezvinhu zvemberi muUnited States, mamwe mashoko achangobva kubudiswa akati: “Vakuru vakuru vemakambani pavari kuverenga nzvimbo dzokupaka motokari dzisina chinhu pamusana pezvigumura zviri kungoramba zvichiwedzera, pokupaka motokari pari kuzara kunzvimbo dzinodzidzwa Bhaibheri manheru.” Pasinei nokukosha kwazvakaita, vanhu vakawanda pasi pose vakawana kuti Bhaibheri rinobatsira kuti vanyatsoona basa ravo zvakanaka, zvoita kuti vararame nenzira yakanaka.

Bhaibheri ringatibatsira sei kuti tione basa zviri pakati nepakati? Pane mazano omuMagwaro angatibatsira kubudirira kutarisana nematambudziko okumabasa emazuva ano here? Nyaya inotevera ichakurukura mibvunzo iyi.