Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurumbidza Jehovha Kuchikoro

Kurumbidza Jehovha Kuchikoro

Kurumbidza Jehovha Kuchikoro

PASI pose, Zvapupu zvaJehovha zvechiduku zviri kuwana nzira dzokurumbidza nadzo Mwari kuchikoro—nematauriro azvo uye mufambiro wazvo. Ona mimwe mienzaniso inoratidza kushingaira kwevaduku ava.

Chimwe Chapupu chiduku chokuGreece chakapiwa basa rokunyora nyaya ine chokuita nokusvibiswa kwezvakapoteredza pasi. Pashure pokunge atarisa muWatch Tower Publications Index, musikana wacho akawana mashoko anobatsira mumagazini yeMukai!, uye mumashoko okupedzisira erondedzero yake, akaratidza kuti akanga atora mashoko acho imomo. Mudzidzisi wake akamuudza kuti yaiva imwe yerondedzero dzakanaka kwazvo pane dzaakanga amboverenga. Mudzidzisi wacho akazoshandisa mashoko acho pane mumwe musangano, uye akabudirira. Saka hanzvadzi duku iyi yakasarudza kupa mudzidzisi wacho mamwe magazini eMukai! kusanganisira imwe yaiva nenyaya dzinotevedzana dzaiti “Vadzidzisi—Taizoitei Kudai Vasipo?” Pava paya mudzidzisi wacho akarumbidza magazini yeMukai! paaiva mukirasi, uye vamwe vadzidzi vakatanga kukumbirawo avo. Hanzvadzi yacho yaitofanira kuenda kuchikoro nemagazini acho kuitira kuti vaaverengewo.

KuBenin, muAfrica, mumwe muKristu achiri kuyaruka akatarisana nechinetso chisina kujairika. Maererano netsika dzeko, vabereki vevana vanoverengeka vepachikoro chake vakabatana kuti vatsvake vadzidzisi vanodzidzisa vana vavo zvidzidzo zvakaoma kuitira kuti pwere dzacho dzigadzirire bvunzo. Zvisinei, vadzidzisi vacho vakasarudza mangwanani omusi woMugovera kuti vaitise zvidzidzo zvacho. Chapupu chiduku ichi chakaramba chichiti: “Mangwanani oMugovera ndiyo nguva iyo ungano yose inoparidza pamwe chete. Ndiyo nguva inonyanya kundifadza vhiki yose, uye hapana chimwe chinhu chandingada kuita panguva iyi!” Baba vake, avo vari mubereki ari oga uye vari Chapupu, vakabvuma uye vakaedza kuita kuti rimwe boka revabereki nevadzidzisi richinje nguva yacho. Zvisinei, vose vakaramba. Musikana muduku wacho akasarudza kurega kuenda kuzvidzidzo zvacho. Pane kudaro aienda kunoparidza neungano yake. Vaaidzidza navo vaimuseka, vachimukurudzira kurega zvokupupurira uye kuti asiyane naMwari wake. Vaiva nechokwadi chaizvo kuti aisazobuda zvakanaka pabvunzo dzake. Zvisinei, zvakazoitika ndezvokuti boka raienda kuzvidzidzo zvacho rakafoira, asi hanzvadzi yedu yechiduku yakabuda zvakanaka. Zviri pachena kuti havana kuzomuseka. Iye zvino vadzidzi vacho vava kumuudza kuti, “Unofanira kuramba uchishumira Mwari wako.”

KuCzech Republic, mumwe musikana ane makore 12 aifanira kugadzirira kuzotaura nezverimwe bhuku. Amai vake vakamukurudzira kushandisa bhuku rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Akatanga nyaya yake nomubvunzo wokuti: “Unofungei? Ndiani angava munhu mukuru kwazvo pane vose vakamborarama?” Akarondedzera nezvaJesu, upenyu hwake ari pasi pano, uye zvaakadzidzisa. Zvadaro akakurukura chitsauko chine musoro unoti “Chidzidzo Mungoni.” Mudzidzisi wake akati, “Iyi ndiyo nyaya yakanaka kudarika dzimwe dzose dzandakambonzwa kwauri!” uye akafara kugamuchira bhuku racho. Vamwe vaaidzidza navo vakanga vachidawo avo. Mangwana acho, musikana uyu akafara chaizvo kugovera mabhuku 18.

Vechiduku vakadai vari kuwana mufaro wakakura pavanorumbidza Jehovha kuchikoro. Tose tingaita zvakanaka kana tikatevedzera kushingaira kwevechiduku ava.