Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukomborerwa Nenhaka Chaiyo

Kukomborerwa Nenhaka Chaiyo

Nyaya Youpenyu

Kukomborerwa Nenhaka Chaiyo

YAKATAURWA NACAROL ALLEN

Ndaive ndoga, ndakabata bhuku rangu rakanaka idzva. Ndakabatwa nokutya, uye misodzi yakaerera nechiso changu. Ndaingove hangu musikana muduku ane makore manomwe ndarasika muguta randisingazivi, ndakakombwa nemakumi ezviuru zvevanhu!

MUNGUVA pfupi ichangopfuura, ndakayeuka zvakajeka zvakaitika kwandiri ndiri muduku, anoda kusvika makore 60 izvozvo zvaitika. Kushanyira Watchtower Educational Center yakaisvonaka paPatterson, muNew York kwandakaita nomurume wangu, Paul kwakandiyeuchidza izvi. Akanga akokwa ikoko kuti apinde kirasi yechipiri yechikoro chevatiriri vanofambira veZvapupu zvaJehovha.

Sezvataitarira mukamuri rokumirira rakavhenekwa nezuva, ndakaona chiratidzwa chikuru chaive chakanzi “KOKORODZANO.” Pedyo napakati paive nomufananidzo wakatorwa uri muruvara rutema noruchena wevana vaisimudza nomufaro bhuku repauduku hwangu! Ndakakurumidza kuverenga mashoko aiti: “1941—MuSt. Louis, kuMissouri, apo purogiramu yemangwanani yakatanga, vana 15 000—vezera remakore 5 kusvika ku18—vakaunganidzwa munhandare huru pamberi pechikuva chaipo. . . . Hama Rutherford vakazivisa kubudiswa kwebhuku idzva rinonzi Children.”

Mwana mumwe nomumwe akapiwa kopi yake. Vana vacho vakazodzokera kwaive kugere vabereki vavo—vose kusara kwangu. Ndaive ndarasika! Mumwe murindiri aive noushamwari akandisimudza ndokundimisa pabhokisi refu romupiro ndokundiudza kuti nditsvage mumwe munhu wandaiziva. Ndakanyatsotarisa mhomho yaidzika nemasitepisi ndichitambudzika. Kamwe-kamwe, paive nechiso chaibva kumusha! “Sekuru Bob! Sekuru Bob!” Ndaive ndawanika! Bob Rainer akanditakura akandiendesa kuvabereki vangu vaive vakandimirira vachitambudzika.

Zviitiko Zvokutanga Zvakaumba Upenyu Hwangu

Kutarira pamufananidzo iwoyo kwakaita kuti ndiyeuke zvakawanda—zviitiko zvakaumba upenyu hwangu zvakazoita kuti tive pachivako chePatterson chakaisvonaka. Pfungwa dzangu dzakadzokera kuzviitiko zvemakore anodarika zana akapfuura, zvinhu zvandaive ndanzwa nezvazvo zvikurukuru kubva kuna sekuru naambuya vangu navabereki.

Muna December 1894 mushumiri wenguva yakazara weVadzidzi veBhaibheri, sekuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, akashanyira sekuru vangu baba vababa, Clayton J. Woodworth, pamba pavo muScranton, yePennsylvania, kuU.S.A. Clayton aive achangoroora. Akanyorera tsamba purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society, Charles Taze Russell, ikabudiswa muNharireyomurindi yaJune 15, 1895. Akatsanangura kuti:

“Tiri murume nomudzimai vechiduku uye tanga tiri nhengo dzechechi yePurotesitendi kweanenge makore gumi; asi tinovimba kuti iye zvino tava kubuda murima rayo tichipinda muchiedza chezuva idzva iro zvino riri kubudira vana vakatsaurirwa voWokumusorosoro. . . . Nguva refu tisati tatombosangana chaiva chishuvo chedu chemwoyo wose kuti tingangoshumira Ishe semamishinari mune imwe nyika, kana kukava kuda kwake.”

Gare gare, muna 1903, sekuru naambuya vakabereka baba vaamai, Sebastian naCatherine Kresge, vakateerera nomufaro mashoko eBhaibheri aiva auya nevamiririri vaviri veWatch Tower papurazi ravaigara, muMakomo ePocono akaisvonaka kuPennsylvania. Vanasikana vavo Cora naMary, vaigarawo ipapo nevarume vavo Washington naEdmund Howell. Vamiririri veWatch Tower, Carl Hammerle naRay Ratcliffe, vakagara navo kwevhiki yose, vachivadzidzisa zvinhu zvakawanda. Vose vemhuri yavo vari vatanhatu vakateerera, vakadzidza, uye munguva pfupi vakava Vadzidzi veBhaibheri vanoshingaira.

Mugore iroro chairo, 1903, Cora naWashington Howell vakava nemwanasikana akatumidzwa kunzi Catherine. Maroorerwo aakazopedzisira aitwa nababa vangu Clayton J. Woodworth, Jr., inyaya inofadza uye ndinodavira kuti ine zvainoreva. Inoburitsa kunzwisisa kworudo nokuva nehanya kwomubereki kwasekuru vangu Clayton J. Woodworth Sr.

Baba Vangu Vanobatsirwa Norudo

Baba vangu, Clayton muduku, vakaberekwa muScranton muna 1906, chinhambwe cheanenge makiromita 80 kubva papurazi rekwaHowell. Mumakore iwayo epakuvamba Sekuru Woodworth vakatanga kuzivana zvikuru nemhuri huru yekwaHowell, vachiwanzoitirwa mutsa waizivikanwa zvikuru. Vaibatsira zvikuru ungano yeVadzidzi veBhaibheri vomunharaunda iyoyo. Pashure penguva yakati Sekuru vakakumbirwa kuti vatungamirire michato yavanakomana vatatu vekwaHowell, uye vachifungawo nezvezvakanakira mwanakomana wavo pachavo, vakaona zvakakosha kuenda naye kumumwe nomumwe weiyi michato.

Panguva iyoyo Baba vakanga vasati vobatanidzwa zvakasimba muushumiri hweVadzidzi veBhaibheri. Ichokwadi kuti vaiendesa sekuru nemotokari kushanyo dzavo dzomuushumiri, asi pasinei nekurudziro yasekuru, Baba havana kumboita chimwe chinhu pachavo. Panguva iyoyo, kufarira kwababa vangu zvokuimba kwaidarika zvimwe zvose, uye vaitovavarira kuzviita basa rokurarama naro.

Catherine, mwanasikana waCora naWashington, akanga atobudirirawo kuva muimbi, achiridza nokudzidzisa kuridza piyano. Asi sezvo basa rokurarama naro raive ramuzarukira, akakanda pasi basa iroro ndokutanga kuitawo ushumiri hwenguva yakazara. Sekuru vaifunga nezveshamwari yakanakisisa yemwanakomana wavo—tomboti pamaonero angu! Baba vakabhabhatidzwa, uye mushure memwedzi mitanhatu vakaroora Amai, muna June 1931.

Sekuru vaigarodada nokukwanisa kwemwanakomana wavo zvekuimba. Vakafara kwazvo apo mwanakomana wavo akakumbirwa kudzidzisa vaitungamirira boka rokuimba nezviridzwa pakokorodzano yevanhu vemarudzi akawanda ya1946 muCleveland, kuOhio. Mumakore akatevera baba vakaimbisa padzimwe kokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha dzakati kuti.

Kutongwa Kwasekuru Noupenyu Hwomujeri

Mukamuri rokumirira rokuPatterson, ini naPaul takaonawo chiratidzwa chine mufananidzo uri kuonekwa papeji inotevera. Ndakakurumidza kuziva mufananidzo wacho, sezvo sekuru vakanditumira mumwe wawo makore 50 akapfuura. Ndivo vakamira kwokupedzisira kurudyi.

Mukati memhirizhonga yokutsigira rudzi yomuHondo Yenyika I, ava Vadzidzi veBhaibheri vasere—kusanganisira Joseph F. Rutherford (akagara pakati), purezidhendi weWatch Tower Society—vakaiswa mujeri zvisiri pamutemo ndokuchengetwa pasina bherauti. Zvavaipomerwa zvaibva pamashoko aive muvhoriyamu yechinomwe yeStudies in the Scriptures, yaive nomusoro waiti The Finished Mystery. Mashoko acho akatadza kunzwisiswa ndokunzi ari kufurira United States kusapindira muHondo Yenyika I.

Munguva yemakore akawanda, Charles Taze Russell aive anyora mavhoriyamu matanhatu okutanga eStudies in the Scriptures, asi akafa asati akwanisa kunyora yechinomwe. Saka zvaakange anyora pasi zvakapiwa Sekuru nomumwe Mudzidzi weBhaibheri, uye vakanyora vhoriyamu yechinomwe. Iyi yakabudiswa muna 1917, hondo isati yapera. Pakutongwa, Sekuru nevamwe vakawanda vakatongerwa mitongo mina yemakore 20 pamunhu yaizoshanda panguva imwe chete.

Mashoko ari pamufananidzo mukamuri rokumirira kuPatterson anotsanangura kuti: “Mwedzi mipfumbamwe mushure mokunge Rutherford nevamwe vake vapiwa mitongo—uye hondo yapera—musi waMarch 21, 1919, dare rokukwirira rakati vasungwa vaya vasere vose vabvise bherauti, uye musi waMarch 26, vakaregedzwa muBrooklyn vabvisa bherauti yeUS$10 000 (Z$380 000) pamunhu. Musi waMay 5, 1920, J. F. Rutherford nevamwe vakanzi havana mhosva.”

Pashure pokupiwa mutongo, asi vasati vaendeswa kujeri guru renyika kuAtlanta, kuGeorgia, ava vasere vakapedza mazuva okupika vari mujeri raiva muna Raymond Street muBrooklyn, kuNew York. Vari imomo Sekuru vakanyora tsanangudzo yokuiswa muchitokisi chaiva mamita 1,8 nokufara mamita 2,4 “mukati metsvina noumvanganya husingatauriki.” Vakati: “Une murwi wemapepanhau, uye kana ukasanyatsofunga nezvawo pakutanga, uchazoziva kuti pamapepa iwayo nesipo netawuru, ndipo pane mukana wako wokutomboratidza rucheno nokuzviremekedza.”

Asi, Sekuru vakaramba vari munhu anosetsa, vachitaura nezvejeri racho se“Hôtel de Raymondie,” vachiti, “Ndichazobva pano kana nguva yandakabhuka yakwana.” Vakarondedzerawo twunzira twavo twomuchivanze. Pavakambomira kwechinguva kuti vapeturwe bvudzi ravo, tsotsi rakahwapura wachi yavo yomuhomwe, asi sokunyora kwavakaita, “Ngetani yayo yakadambuka saka haina kuzoenda.” Pandaishanyira Bheteri yomuBrooklyn muna 1958, Grant Suiter, aive munyori nomubati wehomwe weWatch Tower Society panguva iyoyo, akandidaidza muhofisi make ndokundipa wachi iyoyo. Ndichiri kuikoshesa.

Zvazvakaita Pana Baba

Apo Sekuru vakaiswa mujeri zvisiri pamutemo muna 1918, baba vangu vaingova nemakore 12. Ambuya vakapfiga musha wavo ndokutorana nababa vonogara naamai vavo navanun’una vavo vatatu. Zita rokumusha rekwaambuya vasati varoorwa raiva Arthur, uye mhuri yacho yaidada nokuzviti mumwe wehama dzavo, Chester Alan Arthur, aive purezidhendi wechi21 weUnited States.

Sekuru Woodworth vapiwa mutongo murefu nokuda kwekwainzi kupara mhosva muUnited States, vokwaArthur vakanyatsonzwa sokuti sekuru vaive vanyadzisa zita remhuri yavo. Kuna baba vangu yaive nguva yairwadza mupfungwa zvikuru. Zvichida ndicho chimwe chezvikonzero nei vakambozengurira kuitawo ushumiri hwepachena.

Pakaburitswa Sekuru mujeri, vakatamisira mhuri yavo muzimba rakapurasitwa nesimende raive muna Quincy Street muScranton. Semwana muduku, ndairiziva zvikuru—uyewo ndaiziva midziyo yaAmbuya yevhu. Taiiti midziyo mitsvene nokuti hapana aibvumirwa kuisuka kunze kwaAmbuya. Pakafa Ambuya muna 1943, Amai vaifarira uye vaishandisa midziyo iyoyo yakanaka.

Vakabatikana Mubasa roUmambo

Pane rimwe zuva pachikoro chePatterson, ndakaona mumwe mufananidzo waHama Rutherford vachitaura pakokorodzano ya1919 kuCedar Point, muOhio. Ipapo vakakurudzira vose kushingaira mukuzivisa Umambo hwaMwari uye kushandisa magazini itsva yaive yabudiswa pakokorodzano ipapo, yainzi The Golden Age. Sekuru vakasarudzwa kuva mupepeti wayo, uye vakanyorawo nyaya mairi kusvika muma1940, nguva duku vasati vafa. Muna 1937 zita remagazini yacho rakachinjwa ndokunzi Consolation uye muna 1946 rakazonzi Awake!

Sekuru vainyora vari pamba muScranton uye vari padzimbahwe reWatch Tower kure neanenge makiromita 240 muBrooklyn, vachipedza mavhiki maviri paimwe neimwe yenzvimbo idzi. Baba vanoti vanoyeuka tapureta yaSekuru ichirira nenguva dzechishanu mangwanani mazhinji. Asi Sekuru vaikoshesawo mutoro wokuitawo basa rokuparidza pachena. Chokwadi ndechokuti vakagadzira vhesi rechirume raive nehomwe hombe dzomukati dzokutakurira mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Ambuya vangu vane makore 94, Naomi Howell, vachine rakadaro. Sekuru vakagadzirawo bhegi remabhuku rechikadzi.

Sekuru vakambonzi newavaiparidzira naye mushure mekurukurirano yeBhaibheri yaifadza: “C. J., pane chimwe chete chawakanganisa.”

“Kukanganisei?” Sekuru vakabvunza kudaro. Vakatarisa vhesi ravo. Homwe dzose dzaive dzisina chinhu.

“Wakanganwa kumugovera kuzvinyoresa The Golden Age.” Vakaseka zvikuru kuti mupepeti aive akanganwa kugovera magazini yake.

Kuyeuka Pandaikura

Ndinoyeuka ndakagara pamakumbo paSekuru ndiri kamwana, karuoko kangu kari mune rwavo vachindiudza Rungano Rweminwe [“Finger Story”]. Vachitanga nemunwe mukuru [“Tommy Thumb”] voenda kune wokunongedzeresa [“Peter Pointer”], vakandiudza chinhu chinokosha pamusoro pomunwe mumwe nomumwe. Vaizobatanidza minwe yose pamwe chete vopa dzidziso: “Inoshanda zvakanakisisa pamwe chete, mumwe nomumwe uchibatsira mimwe yose.”

Varoorana, vabereki vangu vakatamira kuCleveland, kuOhio, vakava shamwari dzepedyo dzaEd naMary Hooper. Mhuri dzavo dzakanga dziri Vadzidzi veBhaibheri kubva pakutanga kwezana remakore. Vabereki vangu naSekuru Ed naAmbuya Mary, semadaidziro andaivaita, vaive vasingasiyani. VekwaHooper vaive vafirwa nemwanasikana wavo mumwe chete, mucheche, saka pandakauya muna 1934, ndakava “mwanasikana” wavo chaiye. Ndarererwa mumamiriro ezvinhu akapfuma mumudzimu kudaro, ndakaita tsauriro yangu kuna Mwari uye ndakabhabhatidzwa ndisati ndasvitsa makore masere.

Ndaive ndisingasiyane nokuverenga Bhaibheri mumakore angu apakuvamba. Tsanangudzo iri pana Isaya 11:6-9 youpenyu munyika itsva yaMwari ndicho chikamu chandaida kwazvo mumagwaro. Kuedza kwangu kwokutanga kuverenga Bhaibheri rose kwaiva muna 1944, pandaive ndagamuchira kopi yangu pachangu yeAmerican Standard Version, yakabudiswa muchinyorwa chakasiyana nezvimwe pakokorodzano yepaBuffalo, kuNew York. Hakusi kufara kwandakaita pandakaverenga shanduro iyi umo zita raMwari, Jehovha, raive radzorerwa panzvimbo yaro chaiyo kanoda kusvika ka7 000 mu“Testamende Yekare”!

Kupera kwevhiki kwaive nguva dzinofadza. Vabereki vangu nevekwaHooper vaienda neni kuuchapupu kumaruwa. Tairongedza mbuva tozodyira pedyo nekarwizi masikati. Taizoenda papurazi romumwe munhu kunoita hurukuro yeBhaibheri yepanze yataive takokera vavakidzani vose. Upenyu hwaive nyore. Taifara semhuri. Vazhinji veidzi shamwari dzemhuri dzepakutanga vakazova vatariri vanofambira, kusanganisira Ed Hooper, Bob Rainer, nevanakomana vake vaviri. Richard Rainer achiri kuita basa irori, nomukadzi wake Linda.

Nguva dzezhizha dzaifadza zvikuru. Ndaigara papurazi yokwaHowell nevanun’nuna vangu (vana vemukoma waAmai). Muna 1949 munun’una wangu Grace akaroorwa naMalcolm Allen. Ndaisatombofungira kuti ndaizoroorwa nomunun’una wake makore aizotevera. Munun’una wangu muduku Marion aive mumishinari kuUruguay. Akaroorwa naHoward Hilborn muna 1966. Vose vari vaviri vanun’una ava vakamboshanda padzimbahwe repaBrooklyn nevarume vavo kwemakore akawanda.

Sekuru Nokupedza Kwangu Zvidzidzo

Mumakore angu edzidzo yekusekondari, Sekuru vaigara vachindinyorera tsamba. Tsamba dzavo dzaisanganisira mifananidzo yemhuri mizhinji yakanyatsonyorwa mashoko nechokuseri achitaura nezvenhau yemhuri. Ndiwo mawaniro andakaita kopi yomufananidzo wavo nevamwe vavakasungwa navo zvisiri pamutemo.

Gore ra1951 rava kuda kunopera, Sekuru vaive vapedzwa chinoita kuti pahuro paburitse inzwi nekenza. Kupinza kwepfungwa dzavo kwaive kusina kukuvadzwa, asi mashoko avo aiita zvokunyorwa papepa ravaifamba naro. Kirasi yangu yechikoro chesekondari yaizopedza zvidzidzo pakati petemu, muna January 1952. Kutanga kwaDecember, ndakatumira sekuru pepa rehurukuro yangu yekupedza zvidzidzo. Vakaigadziridza uye papeji yokupedzisira vakanyora mashoko akamhanyira pamwoyo pangu: “Sekuru vafadzwa.” Vakapedza upenyu hwavo hwapasi vava nemakore 81, musi waDecember 18, 1951. * Ndichakachengeta nokukoshesa pepa iroro rasakara rehurukuro yokupedza zvidzidzo ine mashoko maviri iwayo papeji yokupedzisira.

Pashure chaipo pokupedza chikoro, ndakabva ndapinda mubasa rokupayona, sezvinodanwa neZvapupu zvaJehovha basa rokuparidza renguva yakazara. Muna 1958, ndakapinda kokorodzano huru muNew York City, apo vanhu vanosvika 253 922 vachibva munyika 123 vakazadza Yankee Stadium nePolo Grounds. Rimwe zuva ipapo ndakasangana nenhume yokuAfrica yaive yakapfeka bheji rokuzvizivisa raive rakanyorwa kunzi “Woodworth Mills.” Aive atumidzwa zita raSekuru, makore 30 akange apfuura!

Ndinofara Nenhaka Yangu

Pandaive nemakore 14, amai vangu vakatanga kupayona zvakare. Vakazofa pashure pemakore 40, muna 1988, vachiri piyona! Baba vakaitawo basa roupiyona pavaikwanisa. Vakafa mwedzi mipfumbamwe Amai vasati vafa. Avo vatakadzidza navo vakava shamwari dzinodiwa muupenyu. Vamwe vevanakomana vavo vakaenda kunoshanda padzimbahwe muBrooklyn, vamwe vakapinda mubasa rokupayona.

Kwandiri 1959 raive gore raikosha zvikuru. Ndipo pandakasumwa kuna Paul Allen. Aive agadzwa kuva mutariri anofambira muna 1946 paaive apedza kudzidza mukirasi yechinomwe yeGiriyedhi, chikoro chokurovedza mamishinari eZvapupu zvaJehovha. Panguva yatakasangana, hapana mumwe wedu aiziva kuti mugove waPaul waitevera waizova kuCleveland, Ohio, kwandaipayona ndiri. Baba naAmai vaimuda. Takaroorana muna July 1963 papurazi rekwaHowell, takakombwa nemhuri dzedu uye Ed Hooper achitungamirira. Zvataipanga zvaive zvaitika.

Paul akanga asina kumbobvira ava nemotokari. Patakabva kuCleveland tava kuenda kumugove wake waitevera, zvinhu zvedu zvose zvakakwana muVolkswagen Bug yangu ya1961. Kazhinji shamwari dzaiuya pamisi yoMuvhuro, zuva rataitamira kune imwe ungano, kuti dzitione tichiisa zvinhu mumotokari. Wainge mutambo kuona mabhokisi embatya, mabhegi, mabhokisi emafaira, tapureta, uye nezvimwewo zvichikwana zvose mukamotokari ikako.

Tose ini naPaul tafamba makiromita asingaverengeki, tichinakidzwa nemateru nokutsungirira makata oupenyu huno—zvinhu zvose zvichiitwa musimba rinogoverwa naJehovha chete. Makore acho anga achifadza, akazara nokuda Jehovha, kudanana, uye kuda shamwari dzakare netsva. Mwedzi miviri yatakapedza paPatterson Paul achirovedzwa ndiyo inonyanya kufadza muupenyu hwedu pari zvino. Kuonera sangano raJehovha repasi pedyo-pedyo kwasimbisa kunzwisisa kwakapfuudzirwa kwandiri sorutivi rwenhaka yangu yokumudzimu: Zvechokwadi iri ndiro sangano raMwari. Zvinofadza zvakadini kutombova kunyange rutivi ruduku rwaro!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 44 Ona Nharireyomurindi yechiRungu yaFebruary 15, 1952, papeji 128.

[Mufananidzo uri papeji 25]

NaEd Hooper nguva pfupi kokorodzano ya1941 yokuSt. Louis isati yasvika, pandakawana kopi yangu yebhuku rinonzi “Children”

[Mufananidzo uri papeji 26]

Sekuru muna 1948

[Mufananidzo uri papeji 26]

Papurazi yekwaHowell apo vabereki vangu (vari mudenderedzwa) vakaroorana

[Mufananidzo uri papeji 27]

Vadzidzi veBhaibheri vasere avo vakaiswa mujeri zvisiri pamutemo muna 1918 (Sekuru vakamira kwokupedzisira kurudyi)

[Mufananidzo uri papeji 29]

Midziyo yedu yose yapanyika yaikwana muVolkswagen yedu

[Mufananidzo uri papeji 29]

Nomurume wangu, Paul