Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudiridza Mbeu Dzechokwadi muChile

Kudiridza Mbeu Dzechokwadi muChile

Mushumo Wavazivisi voUmambo

Kudiridza Mbeu Dzechokwadi muChile

MUGWENGA rokumusoro kweChile, makore angapfuura mvura isati yanaya. Asi, ivhu rafa nenyota, rine matombo akangomwararira rinochinjwa kuva kapeti chaiyo yemaruva ane ruvara rwakasiyana-siyana. Uku kuratidzwa kunoorora kunokwezva vashanyi vanobva munyika yacho yose.

Zvisinei, chimwe chinhu chinotofadza zvikuru chiri kuitika pakati pevanhu vokuChile. Mvura yechokwadi cheBhaibheri iri kuerera ichienda kumativi ose enyika yacho, uye vanhu vakawanda vapachokwadi vari “kutumbuka” kuva vadzidzi vaJesu Kristu. Imwe nzira inoshandiswa kuparadzira mvura dzechokwadi idzi runhare. Zviitiko zvinotevera zvinoratidza migumisiro yakanaka kwazvo iri kuwanwa nenzira iyi yokupupura.

• Muevhangeri wenguva yakazara anonzi Karina akakumbirwa kuenzanisira kupupura norunhare papurogiramu yegungano redunhu. Zvisinei, Karina akanga asati amboshandisa nzira iyi yebasa rokupupura. Kuti vamukurudzire kuti azovapowo papurogiramu yegungano iyi, mumwe mukuru nomudzimai wake vakadzokorora naKarina dzimwe nzira dzokupupura nadzo norunhare. Vakamukurudzirawo kunyengeterera nhungamiro yaJehovha munhau yacho. Akadaro uye pakupedzisira akasarudza kuedza kuridza runhare.

Karina akasarudza nhamba yorunhare yomumusha uri pedyo. Mutekenyi worunhare akapindura, uye Karina akatsanangura chinangwa chokuridza runhare kwake. Mutekenyi worunhare wacho akapindura zvakanaka, uye vakaronga kuzotaurazve mushure memazuva matatu. Kutaurazve norunhare kwakaguma nokudzidza Bhaibheri, vachishandisa bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? Kubvira ipapo, vakava nezvidzidzo zvinofadza uye zvine upenyu, uye Karina akatumira mabhuku kuti apindure mibvunzo yomukadzi wacho.

• Bernarda akatanga kupupura kumurume akaridza nhamba dzorunhare rwake asi dzisiri idzo dzaaida. Pane kushatirwa, Bernarda akazvisuma kuti mumwe weZvapupu zvaJehovha uye akati aigona kubatsira. Pakava nokukurukurirana, uye murume wacho akamuteerera sezvaaitsanangura kuti Umambo hwaMwari huchabvisa sei kusaruramisira nokukurumidza. Murume wacho akapa Bernarda nhamba yake yorunhare, uye akataurazve naye parunhare. Pane kumwe kukurukurirana kwavo, Bernarda akaverengera murume wacho chikamu chebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Akabvunza kuti angawana sei bhuku racho, uye Bernarda akamutumira bhuku racho pamwe neBhaibheri. Vakaronga kuti murume wacho ashanyirwe nehama yomunzvimbo imomo iyo zvino iri kupfuurira ku“diridza” ichi “chirimwa” chiri kukura.

Hungu, muvhu rezvokunamata romunyika ino rakaoma zvikuru, mbeu dzakavandika dzakamirira kumera padzinosvikwa nemvura yechokwadi inopa upenyu. Zviuru zvevane nyota zvinoramba zvichi“mera” uye “zvinokura” kuva vashumiri vakatendeka vaJehovha Mwari.—Isaya 44:3, 4.