Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Jesu airevei paakati: “Musafunga kuti ndakauya kuzounza rugare”?

Jesu aidzidzisa vanhu kuti vave nerugare nevamwe. Asi pane imwe nguva akaudza vaapostora vake kuti: “Musafunga kuti ndakauya kuzounza rugare panyika; handina kuuya kuzounza rugare, asi bakatwa. Nekuti ndakauya kuzoita kuti pave nekupesana, pakati pemwanakomana nababa vake, mwanasikana naamai vake, uye muroora navamwene vake.” (Mat. 10:34, 35) Jesu airevei?

Jesu aisada kuti vemumhuri vaparadzane, asi aiziva kuti zvaaidzidzisa zvaizoita kuti mune dzimwe mhuri muve nekupesana. Saka vaya vanoda kuva vadzidzi vaKristu vobhabhatidzwa, vanofanira kuziva kuti dzimwe nguva vemumhuri vangasafara nechisarudzo chavo. Kana vakapikiswa newavakaroorana naye asiri muKristu kana kuti vamwe vemumhuri, zvinogona kuvaomera kuti varambe vakatendeka kudzidziso dzaKristu.

Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti ‘vave nerugare nevanhu vese.’ (VaR. 12:18) Asi dzidziso dzaJesu dzinogona kuita ‘sebakatwa’ mune dzimwe mhuri. Izvi zvinoitika mumwe wemumhuri paanogamuchira dzidziso dzaJesu asi vamwe vodziramba kana kuti vodzipikisa. Kana izvozvo zvikaitika, vemumhuri ava vanobva vava “vavengi” veuya ari kudzidza chokwadi.—Mat. 10:36.

Dzimwe nguva vadzidzi vaKristu vari mumhuri dzine zvitendero zvakasiyana vanosangana nemamiriro ezvinhu anoedza kuda kwavanoita Jehovha naJesu. Semuenzaniso, veukama vasingashumiri Jehovha vangaedza kuvamanikidza kuti vapemberere zororo rechitendero. Pavanosangana nemuedzo, vachafadza ani? Jesu akati: “Munhu wese anoda baba kana amai kupfuura ini, haana kukodzera ini.” (Mat. 10:37) Jesu aisareva kuti munhu anofanira kuda vabereki vake zvishoma kuti akodzere kuva mudzidzi wake. Asi aivadzidzisa kuti vagone kusarudza kuti zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu hwavo ndezvipi. Kana vemumhuri vasingatendi vakapikisa kunamata kwatinoita Jehovha, tinoramba tichivada, asi tinoziva kuti kuda Mwari ndiko kunonyanya kukosha.

Kutaura chokwadi, kupikiswa nevemumhuri kunogona kurwadza chaizvo. Asi vadzidzi vaJesu vanofanira kuyeuka mashoko ake ekuti: “Munhu wese asingagamuchiri danda rake rekutambudzirwa onditevera haana kukodzera ini.” (Mat. 10:38) Saka vaKristu vanoona kupikiswa nevemumhuri sekumwe kutambura kunofanira kutsungirirwa nevadzidzi vaKristu. Asi panguva imwe chete vanotarisira kuti zvinhu zvakanaka zvavanoita zvichaita kuti vemumhuri vachinje pfungwa dzavo voda kudzidza zvinotaurwa neBhaibheri.—1 Pet. 3:1, 2.