MUKAI! January 2015 | Zvaunofanira Kuziva Nezvechirwere Chepfungwa
Chirwere chepfungwa ndechimwe chezvirwere zvakaipisisa nepo vanhu vakawanda vane chirwere ichi havaendi kunorapwa. Nei?
NYAYA IRI PAKAVHA
Zvaunofanira Kuziva Nezvechirwere Chepfungwa
Matanho 9 anogona kukubatsira kana uine dambudziko rokurwara nepfungwa.
Zvepasi Rino
Nyaya dzacho dzinosanganisira: urongwa hwakasendekwa padivi hwokuchengeta sango reAmazon, kuoma kwakaita kubata utachiona hunokonzera AIDS, uye kuti achatora imbwa ndiani.
MAZANO EKUBATSIRA MHURI
Zvamungaita Kuti Muwirirane
Zvinhu 4 zvinogona kukubatsira kuti iwe newawakaroorana naye musakakavadzana asi mutaurirane murugare.
MAZANO EKUBATSIRA MHURI
Kana Ukanyeperwa Nemwana Wako
Unofanira kuitei kana mwana wako akanyepa? Nyaya iyi inotaura mazano ari muBhaibheri anogona kukubatsira kuti udzidzise mwana wako chazvakanakira kutaura chokwadi.
Ndakanyaradzwa Panguva Chaiyo
Miklós Aleksza akaita tsaona yakamuremadza ava nemakore 20. Bhaibheri rakamubatsira sei kuti ave netariro yeramangwana?
ZVINOTAURA BHAIBHERI
Utsanana
Verenga mazano ari muBhaibheri ari nyore kutevedzera ari kubatsira mamiriyoni evanhu kuva noupenyu hwakachena.
“Mucherechedzo Wokuparadza Kwakaipisisa”
Sei chivako chokuHiroshima, kuJapan chisina kugadziriswa kubvira muna 1945? Verenga nezvechivako ichi unzwe kuti Bhaibheri rinoti chii chichazoitika kuhondo mune ramangwana.
Zvimwe Zviri paIndaneti
Kuona Zvinonyadzisira Kwakaipirei?
Kuona zvinonyadzisira kwakafanana papi nokusvuta fodya?
Iva Nomutsa Uye Usanyima Vamwe
Ona kufara kunoita Kuda naSarudzai nemhaka yokupanana zvavanenge vanazvo.

