MUKAI! July 2014 | Shamwari Yechokwadi Yakaita Sei?

Zvinosuwisa kuti vanhu vakawanda havana shamwari dzechokwadi. Ndizvo zvazvinofanira kunge zvakaita here? Zvii zvinodiwa kuti pave noushamwari hunogara? Ona mazano eBhaibheri angakubatsira.

Zvepasi Rino

Zvimwewo zviri kutaurwa ndezve: nzvimbo dziri kuwanikwa marudzi 100 ezvipuka zvitsva gore negore, kureba kwenguva inonzi vana vasapfuudza vachiona TV, uyewo zvakanaka uye zvakaipa zviri kuitika pakugadzirwa kwemagetsi kusingasvibisi pasi.

NYAYA IRI PAKAVHA

Shamwari Yechokwadi Yakaita Sei?

Vakawanda vanoda shamwari dzechokwadi. Ungava sei shamwari yechokwadi kune vamwe? Nyaya ino inotaura mazano 4 anobatsira anowanikwa muBhaibheri.

INTERVIEW

Chiremba Mukuru Wokuvhiya Anotsanangura Kutenda Kwake

Kwemakore akawanda, chiremba Guillermo Perez aiti zvinhu zvakavapo nokushanduka-shanduka, asi iye zvino ava kunyatsotenda kuti Mwari ndiye akatisika. Zvii zvakaita kuti achinje zvaaifunga?

NYAYA IRI PAKAVHA

Zvaungaita Kuti Uderedze Kunyanya Kunetseka

Mazano ari muBhaibheri anogona kukubatsira kuti uderedze kunyanya kunetseka.

Chirwere Chemazino—Chingangokubata Here?

Chirwere chemazino chimwe chezvirwere zvomukanwa zvatambudza vanhu pasi rose. Chinokonzerwa nei? Ungaziva sei kuti unacho? Ungaderedza sei mikana yokubatwa nacho?

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Mafambiro echiNyamututa

Chinyamututa chinoziva sei kwachiri kuenda? Uye chii chatinogona kudzidza kubva pamafambiro achinoita?

Zvimwe Zviri paIndaneti

Ndingatsanangurira Sei Vamwe Zvandinotenda Panyaya Dzebonde?

Kana ukabvunzwa kuti: ‘Hauna mukomana?’ unogona here kutsanangura zvaunotenda uchishandisa Bhaibheri?

Ndodii Kana Vanhu Vachindinyeya?

Ungaitei kana guhwa racho richisvibisa zita rako?

Ungaita Sei Kuti Usaverengera Kuita Zvinhu?

Ona mazano anokubatsira kuti uone kuti ungaita sei kuti usaverengera kuita zvinhu!

Vechiduku Vanotaura Nezvokushandisa Mari

Inzwa mazano nezvokushandisa mari zvakanaka, kuisevha, uye kusanyanya kuida.

Mosesi Anowanikwa

Vanhu vari pamufananidzo ndivanaani? Verengai nyaya yacho muBhaibheri pana Eksodho 2 kuti muone mazita avo.