Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Dambudziko Rapararira Rokusavimbana”

“Dambudziko Rapararira Rokusavimbana”

“Dambudziko Rapararira Rokusavimbana”

MuWest Africa, mukomana ane makore 12 akapiwa mubhedha muchipatara nokuti akashandisa mapiritsi ekunyepedzera anonzi ekurwisa marariya akatengwa naamai vake muchitoro chepamutemo chinotengesa mishonga. Chiremba wepane chimwe chipatara anoti: “Kwemakore 15 mishonga yekunyepedzera yave ichitengeswa.” *

MuAsia, vabereki vekakomana kacheche vanorohwa nehana pavanoziva kuti mukaka unonzi unopa utano wavange vachipa mwana wavo une muchetura. Zvinosuruvarisa kuti mwana wacho anofa.

Mumwe muzvinabhizimisi anovimbwa naye wokuAmerica anotsotsa vanhu mabhiriyoni emadhora! Zviuru zvevanhu zvinoona kuti mari dzavo dzemudyandigere dzakadyiwa mune chiri kunzi “chitsotsi chemuzana rino remakore.”

MAZUVA ano, anenge munhu wose akambobatiswa pasi nemunhu waaivimba naye. Pepanhau rechiFrench rinonzi Le Monde rinoti mamiriro akaipa munyaya dzeupfumi munyika yose ari kunyanya kukonzerwa nerinonzi “dambudziko rapararira rokusavimbana.”

Zvii zvakaita kuti “dambudziko rokusavimbana” rivepo mazuva ano? Pane mumwe munhu waungavimba naye here?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Yakataurwa mupepanhau rinonzi Le Figaro, rinobudiswa kuParis, France.