Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI

Shandisa Maturusi Edu Ekutsvakurudza

Shandisa Maturusi Edu Ekutsvakurudza

Jehovha anotipa maturusi anotibatsira kudzidzisa neunyanzvi, akadai semavhidhiyo, maturakiti, magazini, mabhurocha, mabhuku uye turusi redu guru, Bhaibheri. (2Ti 3:16) Anotipawo maturusi ekutsvakurudza anogona kutibatsira kutsanangura Magwaro. Maturusi aya anosanganisira Watchtower Library, JW Library®app, RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower, uye Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza.

Uchawana mufaro paunochera pfuma iri muBhaibheri uchishandisa maturusi ekutsvakurudza auinawo. Dzidzisa vadzidzi vako kuti vangashandisa sei maturusi acho. Naivowo vachafara chaizvo pavachawana mhinduro dzemibvunzo yavanenge vainayo ine chekuita neBhaibheri.

ONA VHIDHIYO INONZI WANA MUFARO PAKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI—BVUMA KUBATSIRWA NAJEHOVHA—KUSHANDISA MATURUSI EKUTSVAKURUDZA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Zvii zvakarambwa naJade panyaya ine chekuita nekusikwa kwezvinhu?

  • Neeta akawana kupi mashoko ane chekuita nenyaya yacho?

  • Kuwana pfuma muBhaibheri uye kuiudza vamwe kunoita kuti tive nemufaro

    Akasarudza sei mashoko aigona kunyatsobatsira Jade?

  • Neeta akabatsirwa sei nekushandisa maturusi edu ekutsvakurudza?