Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JEREMIYA 44-48

Usaramba “Uchizvitsvakira Zvinhu Zvikuru”

Usaramba “Uchizvitsvakira Zvinhu Zvikuru”

45:2-5

Bharuki anogona kunge aiva mukuru mukuru akadzidza aishanda pamuzinda wamambo. Aiva munamati waJehovha uye aibatsira Jeremiya, asi pane nguva yaakanga asingachaisi pfungwa dzake dzose panyaya dzekunamata. Akatanga ‘kuzvitsvakira zvinhu zvikuru,’ uye zvinogona kunge zvaiva kukwidziridzwa mumuzinda wamambo kana kuti kutsvaka pfuma. Aifanira kutochinja pfungwa dzake kuti azopona paizoparadzwa Jerusarema.