Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kunyora Tsamba Dzakanaka

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kunyora Tsamba Dzakanaka

NEI ZVICHIKOSHA? Bhuku ra1 VaKorinde nderimwe retsamba 14 dzakanyorwa nemuapostora Pauro achikurudzira vamwe vaKristu. Kunyora tsamba kunokupa mukana wekunyatsofunga zvauchanyora uye wauri kunyorera anogona kuzoiverenga kakawanda. Kunyora tsamba ndeimwe nzira yakanaka yekuparidzira hama neshamwari. Tsamba dzinobatsirawo kuparidzira vanhu vatisingagoni kuonana navo. Dzimwe nguva mumwe munhu anogona kufarira asi asingawaniki pamba. Tinogona kutadza kuona vamwe vanhu nekuti vanenge vachigara mudzimba dzinochengetedzwa, kana kuti vachigara kure. Ndezvipi zvimwe zvatinofanira kuyeuka patinenge tichinyorera munhu watisingazivi tsamba?

MAITIRWO AZVO:

  • Nyora zvawaizotaura dai wanga waonana nemunhu wacho. Tanga nekutaura zita rako uye chinangwa chako. Unogona kuzonyora mubvunzo wekuti munhu wacho afunge uye womuudza nezvejw.org. Muudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvinoitwa paIndaneti, kana kuti nezvekudzidza Bhaibheri pamba pake. Muudze nezvemimwe misoro yezvitsauko zviri mune rimwe remabhuku atinoshandisa pakudzidzisa vanhu. Unogona kuisa zvinhu zvakadai sekadhi rejw.org, pepa rekukoka munhu kumisangano, kana kuti turakiti

  • Usanyora zvakawandisa. Tsamba yako haifaniri kurebesa nekuti munhu wacho anozoneta asati apedza kuiverenga.—Tarisa papeji 8 uone muenzaniso wemanyorerwo etsamba

  • Verenga zvawanyora uone kana paine panoda kugadziriswa. Nyora zvinoverengeka, zviri nyore kunzwisisa, zvinoratidza ushamwari uye zvinokurudzira. Isa chitambi patsamba yacho.