Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinoti Chii nezveKrisimasi?

Bhaibheri Rinoti Chii nezveKrisimasi?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri haritauri kuti Jesu akaberekwa riini, uye haritauri kuti tinofanira kupemberera zuva raakaberekwa. Izvi zvinotsigirwawo nebhuku rinonzi McClintock and Strong’s Cyclopedia iro rinoti: ‘Kupemberera kunoitwa nevanhu Krisimasi hakutsigirwi naMwari, uye hazvimo muTestamende Itsva.’

 Asi tikaongorora kwakatangira Krisimasi tinoona kuti yatangira muchihedheni. Bhaibheri rinoratidza kuti kana tikanamata Mwari nenzira yaasingadi tinomugumbura.—Eksodho 32:5-7.

Matangiro akaita tsika dzinoitwa paKrisimasi

  1.   Kupemberera kuzvarwa kwaJesu: “VaKristu vepakutanga-tanga havana kupemberera kuzvarwa [kwaJesu] nemhaka yokuti vaiona kuti kupemberera zuva rokuberekwa kwemunhu chero upi zvake yaiva tsika yechihedheni.”—The World Book Encyclopedia.

  2.   25 December: Hapana umboo hunoratidza kuti uyu ndiwo musi wakaberekwa Jesu. Vatungamiriri vechechi vanofanira kunge vakasarudza zuva iri kuti rienderane nemitambo yechihedheni yaiitwa mumwaka wokupera kwechando.

  3.   Kupanana zvipo, uye kuita mabiko: Bhuku rinonzi The Encyclopedia Americana rinoti: “Tsika dzakawanda dzinoitwa pakupemberera Krisimasi mazuva ano dzakabva pamutambo waiitwa munyika yeRoma wainzi Saturnalia, uyo waipembererwa nechepakati pemwedzi waDecember. Somuenzaniso pamutambo uyu ndipo pakatanga nyaya yokudya zvokudya zvemaoresa, kupanana zvipo uye kupisa makenduru.” Bhuku rinonzi Encyclopædia Britannica rinotaura kuti “hapana basa kana bhizimisi raiitwa” panguva yaipembererwa Saturnalia.

  4.   Maraiti epaKrisimasi: Maererano nebhuku rinonzi The Encyclopedia of Religion, vanhu vokuEurope vaishongedza dzimba dzavo “nemaraiti nemaruva emhando dzakasiyana-siyana” pakupemberera uye kuti vadzinge mweya yakaipa.

  5.   Miti inonzi mistletoe uye holly: “Vapristi vekunyika dzakadai seScotland, Wales, Ireland nedzimwewo vaiti muti unonzi mistletoe une simba rokuita zvishamiso. Muti unonzi holly wainamatwa uchinzi ndiwo wairatidza kuti mwaka wechando wava kupera.”—The Encyclopedia Americana.

  6.   Muti wepaKrisimasi: “Tsika yokunamata miti yakanga yakadzika midzi kuvahedheni vaiva kuEurope uye vanhu vokuEurope pavakatendeuka vakatora tsika iyi.” Chimwe chinoratidza kuti tsika yokunamata miti ichiri kuitwa “kuisa muti unonzi Yule pamusuo kana kuti mumba panenge pachiitwa mhemberero dzemunguva yechando.”​—Encyclopædia Britannica.