Enda pane zvauri kuda

Chikamu 4 Chemapikicha ekuBritain (March-August 2017)

Chikamu 4 Chemapikicha ekuBritain (March-August 2017)

Ona mafambiro akaita basa rekuvaka bazi reZvapupu zvaJehovha kuBritain kubva muna March kusvika August 2017.

28 March 2017—Nzvimbo iri kuvakwa bazi

Pari kuburutswa cabin rine girazi kumberi. Cabin iri rinenge riri nechepamusoro zvekuti munhu anokwanisa kunyatsoona nzvimbo iri kuvakwa, uye rakaiswa panzvimbo yakachengetedzwa. Panosvikira vaenzi pakavhurwa muna May 2017, uye pakazosvika August 2017, vaenzi vanopfuura 17 000 vainge vabhuka kuti vazoona bazi riri kuvakwa.

29 March 2017—Residence F

Macontractor ari kushandisa crane kusimudza zvinhu zvinoshandiswa pakuisa kongiri pakuvaka Residence F, uye ndiyo yakatanga kuvakwa. Sezvo paine nzvimbo yakakura yakapoteredza zvivako, zvinhu izvi zvinogona kusimudzwa zvichichinjwa nzvimbo pasina kumbotanga zvagurunurwa.

7 April 2017—Dzimba dzekugara

Zvivako zvishanu zvekugara zviri kuvakwa panguva imwe chete. Nechekumberi, vavaki vari kusunga simbi vasati vadira kongiri pafaundesheni yeResidence B. Nechekurudyi, vavaki vari kudira kongiri yeslab yeResidence D. Nechekumashure kuruboshwe, pari kushandiswa crane pakusimudza chinhu chinoshandiswa pakugadzira munofamba neelevator uye masitepisi eResidence E.

19 April 2017—Nzvimbo iri kuvakwa bazi

Mukadzi ari kubvisa chinhu chinobatanidza mapaipi maviri emvura anoshandiswa pakudzima moto. Mapaipi acho anobva azobatanidzwa achiita zvekunamwa nemuchina unenge uchipisa. Panenge pabatanidzwa pacho panozoongororwa kuti panyatsobata here. Pombi dzakareba makiromita 4 dzakachererwa pasi kuitira kuti dzizoshandiswa pakufambisa mvura yekudzima moto.

25 April 2017—Dzimba dzekugara

Mushandi ari kuchenesa munoyerera mvura kana yanaya. Migero iyi inopfuura nechepasi pemigwagwa uye ndiyo inonorasira mvura kune tumwe tumadziva twakagadzirwa panzvimbo iyi kuitira kuti mvura isangojenga pese pese.

28 April 2017—Residence F

Murume nemudzimai vari kumaka pachaiswa madziro emakoridho.

5 May 2017—Dzimba dzekugara

Nechekumabvazuva, kuri kuvakwa dzimba dzinenge dzichizogara vanhu. Pakazosvika September, mafuremu ekongiri ainge apera kugadzirwa, madziro emukati eResidence F (nechekumashure kurudyi) ainge achivakwawo, uye basa rekuplaster nekupenda rakanga rava kuitwawo. Panguva iyi, vashandi vakatangawo kuvaka madziro ekunze nekuisa mahwindo paResidence E (nechekumashure kuruboshwe). Residences B, C, neD (zviri pamberi) zvainge zvakamirira vanhu vanoona nezvemagetsi, zvescaffolding nevamwewo kuti vatange basa.

18 May 2017—Mahofisi Anoona Nezvebasa

Robert Luccioni, mubatsiri muKomiti Inobudisa Mashoko yeDare Rinotungamirira, ari zvakare mutariri weDhipatimendi Rinoona Nezvemapurani Nekuvaka Pasi Rese, ari kukurudzira mapoka ekuvaka nehurukuro yeBhaibheri. Dhipatimendi iri rinoona nezvekugadzirwa kwemapurani nekuvaka mapazi, uye rinova nechokwadi chekuti basa raitwa nemazvo uye nenzira inochengetedza mari.

25 May 2017—Nzvimbo iri kuvakwa bazi

Vashandi vachidira nekunyatsogadzira kongiri panzvimbo ichazochengeterwa gasi nemichina yemagetsi. Nechekurudyi kune vanhu vari kushandisa muchina wekudira kongiri pafaundesheni ichazoiswa mapira anenge akabata mapuranga anenge akapoteredza nzvimbo iyi, kuitira kuti aderedze ruzha rwunenge rwuchibva kunze.

7 June 2017—Residence E

Vanhu vari kutarisa purani vasati vamaka pavachada kuzoisa mafuremu.

13 June 2017—Residence F

Mushandi ari kuisa mafuremu esimbi pamadziro ekunze.

22 June 2017—Residence E

Munhu ari kuisa mascaffold akapoteredza Residence E, kuti zviitire nyore vanhu kuti vashande pamadziro ekunze.

11 July 2017—Residence F

Munhu ari kuisa kemikari inochengetedza mahwindo. Kemikari iyi painooma inobva yaita sekaplastic kanenge kakanama hwindo racho, uye izvi zvinochengetedza mahwindo panguva inenge ichivakwa, uye kaplastic aka kanozobviswa kana kasisadiwe.

13 July 2017—Residence F

Vanhu vari kuongorora kuti michina inozodziisa mudzimba iri kushanda zvakanaka here. Kana zvese zvagadziridzwa, kongiri inobva yadirwa kuti ifukidze pombi dzacho.

19 July 2017—Nzvimbo iri kuvakwa bazi

Munhu ari kucheka uswa hwakapoteredza rimwe ruva remusango paroundabout iri kunze kwebazi, pedyo nepanopinda nevanhu. Uswa uhwu hunoita kuti sora risakura, zvichiita kuti pazova nebasa shoma pakuchengeta nzvimbo iyi yakasvibirira.

1 August 2017—Mahofisi

Savheya ari kushandisa muchina une GPS pakumaka nzvimbo inozova negedhi rinopinda nevanhu pabazi; anoiisa simbi uye anobva aipenda kuti inyatsooneka. Nzvimbo iyi ndiyo ichaiswawo kicheni, imba yekudyira uye imba yakakura inenge ichiitirwa misangano. Dzimba dzekugara ndidzo dziri kuonekera nechekumashure.

8 August 2017—Dzimba dzekugara

Murume nemudzimai vari kugadzira zvinhu zvichazoshandiswa pakudira kongiri, uye panzvimbo iyi ndipo panenge paine muchina wekurasa mvura kana kukanaya mvura yakawanda. Kumashure ndiko kune Residence E neF, uye zvivako izvi zvakafukidzwa nezvikweshe kuitira kuti mushandike zvakanaka kunyange mazuva akunenge kuchitonhora.

9 August 2017—Nzvimbo iri kuvakwa bazi

Munhu ari kudzidziswa kushandisa muchina unonzi vacuum hose lifter. Muchina uyu unoshandiswa pakusimudza nekugadzika matombo, uye rimwe nerimwe rinenge richirema dzinenge 70 kgs. Kana matombo acho angogadzikwa pasi, anobva anamwa nekongiri kumativi ese kuti asazobva panzvimbo.

16 August 2017—Nzvimbo iri kuvakwa bazi

Pombi dzemvura padziri kuiswa panzvimbo, mumwe anoona nezvekushanda kwadzo anoramba akabata imwe yacho kuitira kuti isafamba-famba. Pabazi iri panodiwa pombi dzinofambisa mvura dzakareba makiromita 5.

22 August 2017—Residence E

Munhu ari kucheka zvidhinha nemuchina. Zvidhina zvinenge zvachekwa nepakati zvinozoshandiswa pakugadzira mudhuri unoyevedza unoiswa kunze kwezvivako zvinenge zvichigara vanhu. Dzimba dzinogara vanhu dzichava nezvidhinha zvinopfuura 300 000.