Enda pane zvauri kuda

Zviuru Zvevanhu Zvinoshanyira Bazi rekuCentral America

Zviuru Zvevanhu Zvinoshanyira Bazi rekuCentral America

Muna 2015, vanhu vanoda kusvika 175 000 vakashanyira hofisi yebazi yekuCentral America yeZvapupu zvaJehovha​—izvi zvinoreva kuti paishanya vanhu vanenge 670 pazuva rega rega repakati pevhiki! Vashanyi vakawanda vaiuya vari mumapoka akakura, vachifamba kwemazuva akati kuti nemabhazi ekuhaya. Vamwe vakaronga rwendo rwavo pachine mwedzi chaiyo.

“Kugadzirira Rwendo rwekuBheteri”

Kune vamwe zvakanga zvisiri nyore kuti vakwanise kushanyira hofisi yebazi inonzi Bheteri. Semuenzaniso, vakawanda vemune imwe ungano iri kuMexico munzvimbo inonzi Veracruz, vakanga vasina mari yekuti vafambe rwendo rwemakiromita 550 nebhazi. Saka vakabva vaita urongwa hwavakatumidza kuti “Kugadzirira Rwendo rwekuBheteri.” Vakaronga kuti pave nemapoka aizobika nekutengesa zvekudya. Vaitorawo zvigubhu zvepurasitiki vozvigadzirisa zvimwe zvinhu. Pakazopera mwedzi mitatu vakanga vatounganidza mari yaikwana rwendo rwacho.

Vakashandira zviripo here? Vakanyatsogutsikana kuti vainge vashandira zviripo. Semuenzaniso, mumwe mukomana wemuungano yacho anonzi Lucio akanyora kuti: “Kushanya kwatakaita kuBheteri kwakaita kuti ndive nezvimwe zvinangwa pakunamata, uye iye zvino ndine zvakawanda zvandiri kuita muungano yandinopinda nayo.” Elizabeth ane makore 18, akati: “Pandakaenda kuBheteri ndakanyatsoona rwunonzi rudo rwechokwadi rwunofanira kuva nevashumiri vaJehovha. Ndakabva ndanzwa ndichida kuwedzera zvandinoitira Jehovha, saka ndakava mushumiri wenguva yakazara.”

Zviuru Zvevanhu Zvinodirana Zvichiuya

Dzimwe nguva, pazuva rimwe chete panoshanya zviuru zvevanhu. Vanoshanda panogamuchirwa vaenzi vanoita zvese zvavanogona kuti varatidze ushamwari kune vese vanenge vashanya. “Kuona vanhu vachiuya vakawanda zvakadaro kunokurudzira chaizvo,” anodaro Lizzy. “Kutenda kwangu kunosimbiswa pandinoona kufadzwa kunenge kuchiita vaenzi nezvavanenge vachiona uye kunzwa vachitaura zvavanenge vaita kuti vazokwanisa kushanyira bazi.”

Kuti zviuru zvevaenzi zvikwanise kuona zvakaita nzvimbo yacho, vari mune mamwe madhipatimendi epaBheteri vanokumbirwa kuti vabatsirewo pakuita basa rekuvaratidza. Kunyange zvazvo izvi zvichiita kuti basa ravanoita riwedzere, vanofarira kugamuchira vaenzi. “Pandinenge ndapedza kuratidza vaenzi zvakaita nzvimbo yacho,” anodaro Juan, “ndinovaona vachifara ndobva ndanzwa kuti ndashandira zviripo.”

“Vana Vanopafarira Chaizvo”

Vana vanonakidzwawo nekushanyira Bheteri. Noriko, anoshanda muDhipatimendi Remakombiyuta, anoti: “Ndinobvunza vana vanenge vari paboka randinenge ndichifamba naro kuti vanoda here kuzoshanda paBheteri. Vese vanoti, ‘Ehe!’” Pamwe panonyanya kufarirwa nevana inzvimbo inowanikwa mifananidzo yavanaKuda. Vanoenda ipapo vachinotorwa mapikicha vakamira pedyo nemifananidzo yakakura kunge vanhu chaivo, yaKuda naSarudzai vanobuda pamavhidhiyo anonzi Iva Shamwari yaJehovha. “Vana vanopafarira chaizvo,” anodaro Noriko.

Vana vakawanda vanoratidza kufarira kwavanoita basa rinoitwa paBheteri. Semuenzaniso, kamwe kamukomana kekuMexico kanonzi Henry, kakachengeta mari kuitira kuti kazoipa sechipo pakaizouya kuBheteri. Henry akaisa maiva nemari yacho katsamba kaiti: “Shandisai mari iyi kuti mugadzire mamwe mabhuku.” Akawedzerawo kuti, “Ndinokutendai nekushandira Jehovha kwamuri kuita.”

Uri Kukokwawo

Pasi rese, Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza mahofisi azvo uye nzvimbo dzazvinoprindira mabhuku zvisingabhadharisi. Kana uchida kushanyira imwe yemahofisi edu ebazi, inzwa wakasununguka kuuya. Tine chokwadi chekuti uchanakidzwa nekushanya kwauchaita. Kana uchida kushanya unogona kuwana mashoko akawanda pakanzi NEZVEDU > MAHOFISI UYE KURATIDZWA ZVINOITWAPO.