Enda pane zvauri kuda

Kuratidzwa Zvinoitwa paBheteri

Tinokukoka kuti uzoona zvinoitwa pamahofisi edu ayo atinoti Bheteri. Unogona kuona zvinoitwa pane mamwe mahofisi edu usina anokutungamirira.

Kutangazve Kushanyira Bheteri: Munyika dzakawanda, kubva musi wa1 June 2023, vanhu vachange vava kubvumidzwa kushanyira Bheteri. Kuti munzwe zvakawanda, taurai nehofisi yebazi yamuri kuda kushanyira. Musashanya kuBheteri kana makabatwa COVID-19,  muine zviratidzo zvedzihwa kana kuti flu, kana kuti makambova nemunhu akabatwa  COVID-19 munguva pfupi yadarika.

Nigeria

Kubhuka Zuva Raunoda Kushanyira Mahofisi Edu

Munofanira kutanga mabhuka musati mauya kuzoshanyira mahofisi here? Ehe. Kuti pasazove nevanhu vakawandisa, tinokukumbirai kuti pamunouya kuzoshanyira mahofisi edu, mutange mabhuka pasinei nekuti muri kushanya makawanda sei. Garai mabhuka pachiine vhiki rimwe chete. Kana muri kuda kuuya pamazororo, tinokukumbirai kuti mubhuke pachiine nguva yakati rebei.

Kana musina kubhuka, zvinoita here kuti muzoratidzwa mahofisi edu? Kana musina kubhuka, tinogona kuzotadza kukuratidzai mahofisi. Nzvimbo iripo haitibvumiri kuti tive nevashanyi vakawandisa pazuva rimwe chete.

Munofanira kusvika nguvai? Kuti vanhu vasazowandisa panguva imwe chete, tinokukumbirai kuti musakurumidzisa kusvika, asi munogona kuuya henyu pasara maminitsi 30 kuti nguva dzamakabhuka dzikwane.

Munobhuka sei? Bayai pakanzi “Make a Reservation.”

Munogona kukanzura zvamakabhuka here? Ehe. Bayai pakanzi “View or Change Reservations.”

Ko kana musi wamuri kuda kubhuka wakazara? Garai muchitarisa website ino. Vamwe vanogona kukanzura kana kuchinja musi wavakabhuka.

Make a Reservation

Dhaunirodha kabhuku kanoratidza zvinoitwa pahofisi.

Zviratidzwa

Pachikamu chinosvikira vaenzi panoratidza nhoroondo yebasa redu rekuparidza muNigeria. Muchaona kufambira mberi kwaita basa iri mumakore apfuura uye zvimwe zviitiko zvinokosha zvakaitika muNigeria. Muchaonawo mapikicha anoratidza basa rinoitwa pahofisi yemuNigeria.

Kero Uye Nhamba Dzefoni

Km 51, Benin-Auchi Road

IGIEDUMA 301110

EDO STATE

NIGERIA

+234 7080-662-020

+234 8039-003-790

Mafambiro