Enda pane zvauri kuda

Hanzvadzi Tatyana Sushilnikova

4 JANUARY 2023
RUSSIA

Vane Chido Chekubatsira Vamwe Kunyange Zvazvo Vari Kutambudzwa

Vane Chido Chekubatsira Vamwe Kunyange Zvazvo Vari Kutambudzwa

Dare reKuznetskiy District Court of Novokuznetsk rava pedyo kupa mutongo waro panyaya ine chekuita naHanzvadzi Tatyana Sushilnikova. Muchuchisi haasati ataura kuti anoda kuti vapiwe mutongo wakaita sei.

Nhoroondo Yeupenyu

Kungofanana naTatyana, tinosimbiswa nemuenzaniso ‘wegore rezvapupu’ riri kutsungirira kutambudzwa richibatsirwa naJehovha.—VaHebheru 12:1.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 8 June 2021

    Mapurisa eFSB aiva nezvombo akapinda nechisimba mudzimba nhatu dzeZvapupu zvaJehovha munharaunda yeNovokuznetsk. Tatyana nemurume wake, Sergey, vakaita maawa matatu vachibvunzurudzwa

  2. 20 June 2022

    Vakatanga kupomerwa mhosva yekutaura nevanhu zvinhu zvechitendero uye kupinda misangano

  3. 22 July 2022

    Vakanzi vane mhosva

  4. 27 September 2022

    Nyaya inotanga kupinda mudare. Mutongi akadzorera nyaya yacho kumuchuchisi nekuti nyaya yacho yakanga isina kubatwa zvakanaka

  5. 16 November 2022

    Nyaya inopinda zvakare mudare