Enda pane zvauri kuda

Hama Oleg Sirotkin

2 DECEMBER 2022
RUSSIA

“Ndiri Kuita Chinhu Chinokosha Chaizvo”

“Ndiri Kuita Chinhu Chinokosha Chaizvo”

Dare reLeninskiy District Court of Tambov rava pedyo kupa mutongo waro panyaya ine chekuita naHama Oleg Sirotkin. Muchuchisi haasati ataura kuti anoda kuti vapiwe mutongo wakaita sei.

Nhoroondo Yeupenyu

Zviri kuitwa naOleg zvinotiyeuchidza kuti kana munhu aine kutenda kwakasimba muna Jehovha, “haazotyi mashoko akaipa. Mwoyo wake wakadzikama, unovimba naJehovha.”—Pisarema 112:7.

Zvinhu Zvakaitika

  1. March 2021

    Mapurisa akatanga kuongorora Hama Oleg pachivande. Mumba mavo makaiswa chinhu chairekodha zvavaitaura uye aitarisawo zvavaiita pakombiyuta yavo

  2. 14 September 2021

    Hama Oleg vakatanga kupomerwa mhosva

  3. 21 September 2021

    Imba yavo yakasechwa. Vakatorerwa kombiyuta yavo nemamwe mapepa anokosha kuti zvishandiswe seumboo mudare

  4. 22 October 2021

    Vakatorerwa mota yavo

  5. 11 April 2022

    Nyaya yavo yakatanga kutongwa mudare