Enda pane zvauri kuda

Mutemo Wemachengeterwo Emashoko Emuridzi

Mutemo Wemachengeterwo Emashoko Emuridzi

Mashoko Ane Chokuita Newe (Personal Information)

Mashoko ane chokuita newe aunotumira panzvimbo ino yepaIndaneti anoshandiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., kana kuti masangano arinoshanda nawo nechinangwa chaunenge waudzwa paunotumira mashoko ako. Watchtower Bible and Tract Society of New York, Inc. haipi mumwe munhu mashoko ane chokuita newe kunze kwokunge iri iyo nzira yokuti ubatsirwe pane zvawakumbira uye vachizviita vambotaura newe vasingavanzi mamwe mashoko kana kuti vachinge vaine chivimbo chizere chokuti kutaurwa kwemashoko iwayo kunotofanira kuitwa kuti pazadziswe mitemo kana kuti mirayiridzo inoshanda ipapo, kana kuti, kuitira kubata nekudzivisa utsotsi, kusachengetedzeka kwenzvimbo yacho, kana kuti kukanganisika kwemashandiro anoita zvinhu pano. Chero zvadini, mashoko ose aunenge watumira kuno ane chokuita newe haasi kuzotengeswa, kutsinhaniswa nezvimwe zvinhu kana kuti kupihwa vamwe kuti vaashandise vachiita zvekubhadhariswa sekushandisa kwavanoita.

Adhiresi yeE-mail

Adhiresi yee-mail yawakatumira pawakavhura akaundi panzvimbo ino yepaIndaneti ndiyo ichashandiswa pakukurukura newe zvine chokuita neakaundi yako. Somuenzaniso, kana ukakanganwa zita rako raunoshandisa paakaundi yako kana kuti pasiwedhi, wobva wakumbira kubatsirwa kuti upinde, rubatsiro rwaunenge uchida rwuchauya iri meseji kuadhiresi yee-mail yawakanyora pamashoko ane chekuita newe semushandisi akanyoreswa.

MaCookies

Macookies anoshandiswa pakuita kuti zvinhu zvinofarirwa nemunhu zvaanenge asarudza pamashandire anoita indaneti, paanenge achishandisa jw.org, zvisakanganwika. Somuenzaniso, mutauro unosarudzwa nemunhu kuti aone nawo zvinhu zviri pajw.org unochengetwa mucookie kuitira kuti paanozodzoka zvekare panzvimbo iyi yepaIndaneti mutauro waakambosarudza ndiwo unobva watanga kubuda. Macookie haatori achiunganidza kana kuti kuchengeta mashoko ane chokuita nemunhu pachake.

Active Scripting kana kuti JavaScript

Kuti nzvimbo ino yepaIndaneti iwedzere kushanda zvakanaka jw.org inoshandisa inonzi scripting. Kushandisa scripting kunobatsira jw.org kuti ikurumidze kubudisa mashoko kumunhu anenge avhura nzvimbo yacho. JW.org haimboshandisi scripting kuita basa rekuisa software pakombiyuta yemuridzi kabisira kana kuti kutora mashoko emunhu zvisina mvumo.

Active Scripting kana kuti JavaScript inofanira kuitwa kuti ishande mubrowser kuitira kuti zvimwe zvikamu zvejw.org zvishande zvakanaka. Mabrowser akawanda anobvumira munhu kumisa kana kuti kuvhura Active Scripting kana kuti JavaScript panzvimbo dzepaIndaneti dzakasiyana siyana. Kuti uzive kuti unoenda papi kana uchida kuvhura kana kuti kubvumira scripting kuti ishande pane dzimwe nzvimbo dzepaIndaneti, vhura pane mashoko erubatsiro mubrowser raunenge uchishandisa.

Kana zvikaitika kuti tave kuda kuchinja machengeterwo emashoko panzvimbo ino, tichaiisa papeji ino zvinenge zvachinja zvacho kuitira kuti ugare uchiziva mashoko atinotora tichichengeta uye mashandisiro atinoaita.