Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Raibhurari Inokwana Muruoko

Raibhurari Inokwana Muruoko

1 SEPTEMBER 2021

 “Makore achangopfuura, taisambofungidzira kuti tingava nemabhuku nemavhidhiyo pamafoni.” Munobvumirana nawo here mashoko aya? Mashoko iwayo akataurwa nahama Geoffrey Jackson muvhidhiyo inonzi Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira #6 2020. Vakabva vazoti: “Iye zvino tinotombozvibvunza kuti dai tisina JW Library, taizodii munguva ino yeCOVID 19. Jehovha anga ari kutigadzirira kwemakore ese aya kuti tisazonetseka panguva yakaita seino.”

 Zvii zvakaitwa naJehovha kutigadzirira? Zvii zvakaitwa pakugadzira JW Library, uye zvii zvinodiwa kuti irambe ichishanda zvakanaka uye ichivandudzwa?

Ndiyo Yaiva Yekutanga

 Muna May 2013, Dare Rinotungamirira rakakumbira Dhipatimendi reMEPS Programming riri kumahofisi makuru, kuti vagadzire application ine Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rakadzokororwa. “Takanga tisati tambogadzira application yepafoni inowanika panodhaunirodhwa mamwe maapplication,” anodaro Paul Willies, anoshanda muDhipatimendi reMEPS Programming. “Asi takamira mamwe mabasa ataiita, tichibva taunganidza vanhu vaizoshanda pabasa racho, uye tichibatsirwa nemamwe madhipatimendi takagadzira application yacho tichibva taisa zvese zvaizodiwa kuti ishande. Taigara tichinyengetera uye tichibatsirwa naJehovha, pashure pemwedzi 5, application yacho yakabudiswa pamusangano wepagore!”

 Basa rakakura rakanga rava rekuita kuti JW Library ive raibhurari ine mabhuku akawanda, mumitauro yakawanda. Pakazosvika January 2015, mabhuku akawanda eChirungu akanga ava kuwanika paJW Library uye pangopera mwedzi 6 vanhu vakanga vava kukwanisa kutodhaunirodha mabhuku aya mune mimwewo mitauro yakawanda.

 Kubvira ipapo hama dziri kushanda kuvandudza JW Library vachiisa mavhidhiyo, kuita kuti zvinhu zvatinoshandisa pamisangano zvive panzvimbo imwe chete, uye kuita kuti munhu paanenge achiverenga Bhaibheri, akabaya vhesi, anobva atowana Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza.

Kuita Kuti JW Library Irambe Ichishanda Zvakanaka

 JW Library inovhurwa pamafoni nemakombiyuta 8 miriyoni zuva rega rega uye pamwedzi anopfuura 15 miriyoni! Zvii zvinodiwa kuita kuti application iyi irambe ichishanda zvakanaka? Hama Willies vanoti: “Basa rekugadzira application inoshanda pazvinhu zvakaita semafoni hariperi. Tinoramba tichiwedzera zvimwe zvinhu pairi uye tichiivandudza kuti ive nyore kushandisa. Mashandiro anoita mafoni anogara achingovandudzwa, saka tinotofanirawo kuvandudza mashandiro anoita JW Library kuti ienderane nekushanda kunenge kwava kuita mafoni. Sezvo nhamba yemabhuku uye mavhidhiyo ari paJW Library ichiramba ichingowedzera tinotofanirawo kuchinja magadziriro atakaiita.” Tikatarisa mitauro yese iri paJW Library, tinoona kuti iye zvino pava nezvekuverenga zvinenge 200 000 uye pane mavhidhiyo uye zvekuteerera zvakarekodhwa zvinopfuura 600 000!

 Kuti JW Library irambe ichishanda, pane zvimwewo zvinodiwa. Tinofanirawo kubhadhara mari inodiwa kuti tibvumirwe kushandisa mamwe mapurogiramu ari pakombiyuta. Kushandisa imwe purogiramu kwegore rimwe chete kunoita US$1 500. Uyewo Dhipatimendi reMEPS Programming rinoshandisa inenge US$10 000 pagore kutenga mafoni, matablet uye makombiyuta akasiyana-siyana, kuitira kuti vaone kuti JW Library iri kushanda zvakanaka here pazvinhu izvozvo.

Kudhaunirodha Kunochengetedza Mari Yezvipo

 JW Library yatibatsira kuti tichengetedze mari yataizoshandisa pakuprinda uye kutumira mabhuku kunzvimbo dzakasiyana-siyana. Semuenzaniso, takaprinda mabhuku anoda kusvika 12 miriyoni ebhuku rinonzi Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2013. Asi rugwaro rwezuva rwa2020, takangoprinda anenge 5 miriyoni, kunyange zvazvo nhamba yevaparidzi pasi rese yakawedzera neinenge 700 000. Nei takaprinda mashoma? Hama nehanzvadzi dzakawanda dzava kuverenga rugwaro rwezuva paJW Library. a

“Inobatsira Chaizvo”

 JW Library iri kubatsirawo vanhu vanoishandisa munzira dzakasiyana-siyana. Geneviève, uyo anogara kuCanada, anoti JW Library yamubatsira kuti ave nepurogiramu yakarongeka yekudzidza. Akati, “Kutaura chokwadika, kudai ndaifanira kuunganidza mabhuku akawanda kuti ndidzidze, handifungi kuti ndaizodzidza mangwanani ega ega. Asi apa ndikangotora tablet yangu ndinenge ndatova nezvese zvandinoda pakudzidza. Kugara ndichidzidza kwasimbisa kutenda kwangu uye kwandiswededza pedyo naJehovha.”

Geneviève

 JW Library yabatsira chaizvo panguva ino yeCOVID-19. Charlyn, wekuUnited States, anoti: “Nemhaka yeCOVID-19 ndatova negore rese ndisati ndamboona mabhuku edu matsva akaprindwa. Asi JW Library iri kuita kuti tirambe tine zvekudya zvekunamata. Ndinotenda Jehovha nechipo ichi.”

 Faye, anogara kuPhilippines, akataura manzwiro anoita vakawanda vedu. Akati: “Ndinoshandisa JW Library kuti ndirambe ndiri pedyo naJehovha. Ndinoverenga chimwe chinhu chiri paJW Library pandinongomuka, ndinoteerera chimwe chinhu chiri JW Library pandinenge ndichiita mabasa angu epamba. Ndinoishandisa pandinenge ndichigadzirira misangano. Ndinoishandisa pandinenge ndichigadzirira zvidzidzo zveBhaibheri. Pandinenge ndisina zvakawanda zvekuita ndinoona mavhidhiyo paJW Library. Ndinoverenga Bhaibheri kana kuti zvimwe zvinhu zviripo pandinenge ndakamirira zvimwe zvinhu. “Inobatsira chaizvo.”

 JW Library inobatsirawo chaizvo muushumiri. Semuenzaniso, imwe hanzvadzi yekuCameroon payaiva muushumiri yaida kushandisa rimwe vhesi rayakanga raona imwe hanzvadzi ichishandisa mavhiki akanga apfuura. Asi akanga asisazivi vhesi racho. Yakatsanangura kuti: “Ndakayeuka mamwe mashoko akanga ari muvhesi racho. Ndakavhura JW Library, ndichibva ndaenda paBhaibheri, ndichibva ndanyora mashoko andaiyeuka kuti arimo muvhesi racho. Ndakabva ndariwana. JW Library iri kundibatsira kuti ndiwane mavhesi andinenge ndakanganwa.”

 Mari yezvipo yamuri kupa muchishandisa nzira dziri pakanzi donate.jw.org iri kutibatsira kuti tiite kuti JW Library irambe ichishanda zvakanaka uye tiivandudze kuitira kuti hama nehanzvadzi dzedu pasi rese dzibatsirwe. Tinokutendai chaizvo nerupo rwenyu.

Zvakaitwa paJW Library

  1. October 2013—JW Library yakabudiswa iine Shanduro Yenyika Itsva yakadzokororwa

  2. January 2015—Mamwe mabhuku eChirungu akatanga kuwanika paJW Library, achibva azotanga kuwanika mumitauro yakawanda

  3. November 2015—Yakavandudzwa kuti vanhu vakwanise kumaka

  4. May 2016—Pakaiswa chikamu chinowanika zvinhu zvatinoshandisa pamisangano

  5. May 2017—Yakavandudzwa kuti vanhu vakwanise kunyora manotsi

  6. December 2017—Yakavandudzwa kuti pawanike Bhaibheri Rekudzidza

  7. March 2019—Yakavandudzwa kuti vanhu vakwanise kudhaunirodha zvekuteerera zvakarekodhwa, kuonera mavhidhiyo ipapo, uye kuti vakwanise kuvhura Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza pavanenge vachiverenga Bhaibheri

  8. January 2021—Yakavandudzwa kuitira kuti bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! rishande zvakanaka.

a Pese panodhaunirodha munhu chinhu paJW Library, sangano rine kamari karinobhadhara. Semuenzaniso, gore rapfuura, takashandisa mari inopfuura US$1,5 miriyoni kuitira kuti vanhu vakwanise kuona uye kudhaunirodha zvinhu pajw.org uye paJW Library. Asi kunyange zvakadaro, mari yatinoshandisa kuti padhaunirodhwe ishoma chaizvo kana ichienzaniswa nemari yataizoshandisa kuprinda mabhuku uye kugadzira zvinhu zvakadai semaDVD, nemaCD uye kuzviendesa kune dzimwe nyika.