NHARIREYOMURINDI September 2015 | Zvapupu zvaJehovha Vanhu Vakaita Sei?
Kuti uzive nezvavo, wadii kuzvinzwira kwavari?
NYAYA IRI PAKAVHA
Unoona Sei Zvapupu zvaJehovha?
Pane here zviri munyaya iyi zvinoenderana nemafungiro ako?
NYAYA IRI PAKAVHA
Zvapupu zvaJehovha Vanhu Vakaita Sei?
Unogona kushamisika nekwaunogona kusangana nesu.
NYAYA IRI PAKAVHA
Ndezvipi Zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha?
Pane dzidziso yemuBhaibheri huru inovaka kutenda kwedu.
NYAYA IRI PAKAVHA
Tinowana Kupi Mari Yekuita Basa Redu Rekuparidza?
Mari yacho inobva kupi? Inoshandiswa sei?
NYAYA YEUPENYU
Akawana Chimwe Chinhu Chinopfuura Mukurumbira
Upenyu hwaMina Hung Godenzi hwakachinja nezuva rimwe chete, kubva pakungovawo zvake kasikana kuenda pakuva munhu ane mukurumbira, asi upenyu hwake hahuna kuzomunakidza sezvaaifungira.
Bhaibheri Rakashandurwa naBedell—Rimwe Danho Duku Rakaita Kuti Bhaibheri Rinzwisiswe Zviri Nani
Bhaibheri iri rakashanda chaizvo kwemakore 300.
Unombonzwa Sokuti Mwari Haana Basa Newe Here?
Wakambozvibvunza here kuti, ‘Sei Mwari asiya zvichiitika kwandiri?’
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Uprofita hweBhaibheri hunotibatsira sei?
Zvimwe Zviri paIndaneti
Chii Chinonzi Hondo yeAmagedhoni?
Shoko rokuti Amagedhoni rinongowanika kamwe chete muBhaibheri, asi zvichaitika pahondo iyoyo zvinotaurwa kakawanda muMagwaro.

