Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pane Ari Kukonzera Zvakaipa Zvose Here?

Pane Ari Kukonzera Zvakaipa Zvose Here?

Pane Ari Kukonzera Zvakaipa Zvose Here?

“DHIYABHOROSI ndakamuona neangu aya.” Ndizvo zvakataurwa nomumwe mutungamiriri wemauto eSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose aiva kuRwanda. Izvi akazvitaura achifunga nezvokutadza kwavakanga vaita kupedza hondo yemadzinza omunyika iyoyo yairwiwa muna 1994. Mumwewo aicherechedza zvaiitika akataura nezvokuurayana kunotyisa kwaiita vanhu panguva iyoyo achiti: “Chokwadi Satani ariko, kana paine anoti haako ngaauye tisangane paguva rakavigwa vanhu vakawanda kuRwanda.” Dhiyabhorosi ndiye ari kukonzera utsinye hwose uhwu here?

Vazhinji havaoni sokuti kuurayana kwoutsinye kuri kuita vanhu kunokonzerwa nechisikwa chakaipa chisingaoneki. Vamwe vavo vanofunga kuti isu pachedu ndisu honzeri yezvakaipa nemhaka yokuti takaberekwa tine chivi. Vamwe vanoti kwemakumi emakore boka revapfumi nevane simba, asi vasingadi kuzivikanwa ndiro ranga richinyengera nyika kuitira kuti riitonge. Kwoitawo vamwe vanoti hurumende nevatongi ndivo vane mhosva yekutambura kwose uye yokubatwa zvisina kunaka kwavari kuona.

Iwe unofungei? Sei zvinhu zvakaipa zvakaita sokuurayana kwoutsinye nokutambura zviri kutowedzera pasinei nezviri kuedza kuitwa kuti zvisavapo? Sei vanhu vari kuramba vachiita zvinhu zvinovakuvadza nemaune, vachiita sevasiri kuziva zvinozoguma zvaitika? Pane munhu ari kukonzera zvose izvi here? Nyika yose iri kumbotongwa naani chaizvo? Pamwe mhinduro yacho ichakushamisa.