Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudya Nhoko Dzezvironda Kuita Sei?

Kudya Nhoko Dzezvironda Kuita Sei?

Kudya Nhoko Dzezvironda Kuita Sei?

KUDYA nhoko dzezvironda kunogona kutouraya. Unenge usina mvura, huni nezvokudya zvakakwana uyewo usina pokugara pakatsarukana, usina mari yokuenda kuchipatara, uye usina dzidzo yakakwana. Vanhu vanodya nhoko dzezvironda munyika vanokwana bhiriyoni, nhamba inoda kutoenzana neyevanhu vanogara kuIndia. Asi vanhu vakawanda vanogara kunyika dzakaita seKumadokero kweEurope uye kondinendi yeNorth America havasati vamboona munhu wavangati ari kudya nhoko dzezvironda. Saka ngatimbonzwai nezvevamwe vari kudya nhoko dzezvironda.

Mbarushimana anogara kuRwanda, muno muAfrica, nomudzimai wake nevana vavo vashanu. Mwana wavo wechitanhatu akafa nemarariya. Mbarushimana anoti: “Mumhuri medu takaberekwa tiri vana vatanhatu. Baba vakatigovanisa munda asi pangu paiva paduku zvokuti ndakasarudza kunogara mutaundi nemhuri yangu. Ini nomudzimai wangu tinoita basa rokutakura masaga ematombo uye ejecha. Imba yedu haina mahwindo. Tinochera mvura patsime riri pane imwe kamba yemapurisa. Kazhinji tinongodya kamwe pazuva, asi kana musi wachowo basa pasina, tinoshaya kana chokukanda mumukanwa. Kunzwa vana vachichema nzara hakusi nyore, saka kana pasina chikafu ndinobva pamba.”

Victor naCarmen vanogadzira shangu. Vanogara mune rimwe taundi riri kwaro roga kuBolivia nevana vavo vashanu. Vanoroja kamuri rimwe pane chimwe chivako chakasakara uye chisina magetsi chine denga rinobvinza. Chikoro chacho chine vana vakawandisa zvokuti Victor akatozogadzirira mwanasikana wake dhesiki kuitira kuti akwanise kupinda chikoro. Victor naCarmen vanofamba makiromita 10 vachinotsvaka huni dzokubikisa uye dzokuvidza mvura yokunwa. Carmen anoti: “Hatina chimbudzi, saka tinongoendawo kurwizi, kwatinogezera uye kunorasirwa marara. Vana vanogara vachingorwara.”

Francisco naIlídia vanogara kumaruwa okuMozambique. Vaiva nevana vaduku vashanu, asi mumwe wacho akafa nemarariya chipatara charamba kumupa mubhedha. Francisco naIlídia vanorima mupunga nembambaira pakamunda kavo uye zvavanokohwa zvinongokwana mwedzi mitatu. Francisco anoti: “Dzimwe nguva mvura hainayi kana kuti mbavha dzinoba zvatinenge tarima, saka ndinombowana kamari nokutema mishenjere ndichitengesera vaya vanenge vachida kuiita nhungo pakuvaka. Tinotsvakawo huni musango riri kure mufambo wemaawa maviri. Ini ndinouya nesvinga rangu, mudzimai rakewo, rimwe toshandisa pakubika uye rimwe totengesa.”

Vakawanda vanofunga kuti hazvina kunaka kuti munyika munhu mumwe chete pavanhu 7 voga voga ararame sezvinoita vanaMbarushimana, Victor naFrancisco, asi mabhiriyoni evanhu achirarama upenyu hwomutambarakede. Vamwe vari kuedza kugadzirisa dambudziko racho. Nyaya inotevera ichataura zvavari kuita uye zvavanotarisira kuti zvichabuda.

[Mufananidzo uri papeji 2, 3]

Carmen nevana vake vaviri, vachichera mvura murwizi