Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Pamhuka dzakachena, Noa akapinda nengani muareka—mhuka nomwe pamhuka imwe neimwe yakachena here kana kuti mapoka manomwe embiri mbiri?

Noa apedza kuvaka areka, Jehovha akamuudza kuti: “Pinda muareka, iwe neimba yako yose, nokuti pakati pechizvarwa ichi ndiwe wandaona kuti wakarurama pamberi pangu. Pamhuka dzose dzakachena, utore nomwe nomwe, hono nehadzi yayo; uye pamhuka dzose dzisina kuchena mbiri chete, hono nehadzi yayo.” (Genesisi 7:1, 2) Dzimwe shanduro dzakadai seBhaibheri Rinoera dzinoshandura chiHebheru chekare kuti “dzemikono nomwe nehadzi nomwe.”

MuchiHebheru, mashoko okuti “nomwe nomwe” akanziwo nomwe nomwe. (Genesisi 7:2) Zvisinei, kudzokororwa kwenhamba yacho muchiHebheru hazvirevi hazvo kuti nhamba dzacho dzinofanira kusanganiswa pamwe chete. Somuenzaniso, 2 Samueri 21:20 inotsanangura nezvo“mumwe murume aiva akanyanyisa kukura, aine minwe mitanhatu paruoko rwake rumwe norumwe nezvigunwe zvitanhatu patsoka yake imwe neimwe.” MuchiHebheru nhamba yokuti “tanhatu” inodzokororwa. Zvisinei, izvi hazvirevi hazvo kuti hofori yacho yaiva neminwe gumi nemiviri paruoko rumwe norumwe uye zvigunwe gumi nezviri patsoka imwe neimwe. Kudzokorora kwacho kunongoratidza minwe yaiva paruoko rumwe norumwe uye zvigunwe zvaiva patsoka imwe neimwe.

Mitemo yemaumbirwo omutauro wechiHebheru inotsanangura sei kudzokororwa kwenhamba? Achitaura nezvaGenesisi 7:2, 9, William R. Harper mubhuku rake rinonzi Introductory Hebrew Method and Manual anoti: “Mashoko anowanzodzokororwa kuti pfungwa yechinhu chimwe nechimwe chezvaanoreva ibude.” Bhuku raGesenius rinonzi Hebrew Grammar (Second English Edition) rinoti: “Kubudisa pfungwa yechinhu chimwe nechimwe kunoitwa . . . nokudzokorora nhamba yacho.” Rinopa mienzaniso yakadai saGenesisi 7:9, 15 uye 2 Samueri 21:20, apo pakadzokororwa nhamba dzokuti “mbiri” uye “tanhatu.”

Saka mashoko okuti “nomwe nomwe” muna Genesisi 7:2 haarevi mapoka manomwe embiri mbiri kana kuti 14, sezvakangoitawo kudzokorora “mbiri” kuti hakurevi mbiri mbiri, kana kuti ina, pana Genesisi 7:9, 15. Kudzokororwa kwenhamba mundima imwe neimwe kunongoratidza chinhu chimwe chete—kwete kusanganiswa pamwe chete kwenhamba dzacho. Saka mhuka dzakachena padzaiiswa muareka dziri “nomwe nomwe,” dzisina kuchena dzaiiswa dziri “mbiri chete.”

Kunyange zvakadaro, chii chinorehwa nemashoko okuti “hono nehadzi” ayo anotevera pashure pemashoko okuti “nomwe nomwe” pana Genesisi 7:2? Izvi zvakaita kuti vamwe vafunge kuti Noa aiva arayirwa kutora hono nomwe nehadzi nomwe pamhuka dzose dzakachena. Zvisinei, mhuka dzakachena dzakachengetedzwa kwete hazvo nokuda kwechinangwa chokuti dzizoberekana. Genesisi 8:20 inotiudza kuti pashure pokubuda muareka, “Noa akatanga kuvakira Jehovha atari, akatora dzimwe pamhuka dzose dzakachena nezvisikwa zvose zvinobhururuka zvakachena, akapisira zvinopiwa zvinopiswa paatari yacho.” Kuva nemhuka yechinomwe pamarudzi ose emhuka dzakachena kwakaita kuti Noa awane mhuka yokupa sechibayiro, zvichiita kuti pasare hono nhatu nehadzi nhatu dzaizoberekana panyika.