Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mukurumbira “Wavanachipangamazano” uye Kupera Kwawo

Mukurumbira “Wavanachipangamazano” uye Kupera Kwawo

Mukurumbira “Wavanachipangamazano” uye Kupera Kwawo

MAZUVA ano vanhu vane makombiyuta vanogona kutsvaka mazano okurera vana paIndaneti nokungotaipa kuti parenting (kurera) uye advice (mazano), pobva pabuda nyaya dzine chokuita neizvi dzinopfuura mamiriyoni 26. Kana vakatora miniti imwe chete yokutarisa uye kuverenga nyaya imwe neimwe, mwana wavo angakura obva pamusha vasati vatombopedza kudziverenga.

Vanachiremba vevana, vanodzidza nezvepfungwa dzevana, uye Indaneti zvisati zvavapo, vabereki vaiwana kupi mazano? Kakawanda kacho vaiawana kuhama dzavo. Vanaamai, vanababa, vanatete, uye vanasekuru vaiva vakagadzirira uye vaigona kupa mazano, rubatsiro rwemari, uye kurera vana. Asi munyika dzakawanda, vanhu vanotama kumaruwa vachienda kumaguta vawanda, zvichivhiringidza kubatana kwakadaro. Kakawanda zvikuru nhasi, vanaamai uye vanababa vanozviwana vava kuita basa rakaoma rokurera vana vari voga.

Hapana mubvunzo kuti ndicho chikonzero nei vanoita basa rokutarisira vana vawanda zvikuru nhasi. Chimwe chikonzero ndechokuti vakawanda vava kunyanya kuvimba nesayenzi. Pakupera kwema1800, vanhu vomuAmerica vakanga vatova nechivimbo chokuti sayenzi inogona kuita kuti upenyu hwose hwomunhu huve nani. Ko kurera vana ndiko kwayaizotadza here? Saka pakachema-chema sangano reAmerican National Congress of Mothers pamusoro po“kusakwanisa kwevabereki” muna 1899, nokukurumidza “vanachipangamazano vesayenzi” vakawanda vakabva vangotanga kupa mazano. Vakavimbisa kubatsira vanaamai navanababa vari kutamburira kurera vana vavo.

Kutsvaka Mazano Okurera Mumabhuku

Asi vanachipangamazano ava vakabudirira here? Vabereki vanhasi vanoshushikana zvishoma uye vakagadzirira zviri nani kurera vana vavo kupfuura vaya vomumakore akapfuura here? Imwe ongororo ichangobva kuitwa muBritain inoti hazvina kudaro. Yakaratidza kuti 35 muzana yevabereki vane vana vaduku vachiri kutsvaka mazano avanogona kuvimba nawo. Vamwe vanofunga kuti hapana zvimwe zvavangaita kunze kwokuita zvavanofunga.

Mubhuku rake rinonzi Raising America: Experts, Parents, and a Century of Advice About Children, Ann Hulbert anoongorora nhoroondo yemabhuku avanachipangamazano okurera vana. Hulbert, amai vevana vaviri, anoratidza kuti zvishoma zvakawanikwa navanachipangamazano zvaibva pasayenzi. Asi mazano avo anoita sokuti ainyanya kubva pane zvakaitika muupenyu hwavo zvakasiyana-siyana kwete kuti zvaibva pasayenzi. Neimwe pfungwa, zvinoita sokuti zvavakanyora zvakawanda zvakanga zvisingakoshi, zvaipikisana, uye pane dzimwe nguva zvakanga zvisinganzwisisiki.

Saka vabereki vanosara vari papi nhasi? Kutaura zvazviri, kupfuura nakare kose vakawanda vanovhiringidzika pavanopiwa mazano akawanda, pfungwa dzakasiyana-siyana, uye kupikisana. Zvisinei, havasi vabereki vose vanofunga kuti hapana angavabatsira. Vabereki munyika yose vari kubatsirwa nouchenjeri hwekare huchiri tsime rakavimbika rezano, sezvicharatidzwa nenyaya inotevera.