Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Vakawanda Vasina Chokwadi Chokuti Chitendero Chinogona Kubatanidza Vanhu

Nei Vakawanda Vasina Chokwadi Chokuti Chitendero Chinogona Kubatanidza Vanhu

Nei Vakawanda Vasina Chokwadi Chokuti Chitendero Chinogona Kubatanidza Vanhu

‘IDA muvakidzani wako.’ (Mateu 22:39) Mutemo mukuru uyu wezvinofanira kuitwa nevanhu unotaurwa chaizvo nezvitendero zvakawanda. Kudai zvitendero zvakadaro zvaibudirira kudzidzisa vanhu vazvo kuti vade vavakidzani vavo, vanhu vazvo vaizoswededzwa pedyo napedyo vova vakabatana. Zvisinei, izvozvo ndizvo zvawakacherechedza here? Zvitendero zvine simba rokubatanidza vanhu here? Pane kumwe kuongorora kuchangobva kuitwa muGermany, vanhu vakabvunzwa kuti: “Zvitendero zvinobatanidza vanhu here, kana kuti ndizvo zvingatovaparadzanisa?” Pane vakabvunzwa vacho, 22 kubva muzana vakati zvitendero zvinobatanidza vanhu, nepo 52 kubva muzana vakati zvinovakamuranisa kana kuvaparadzanisa. Zvichida vanhu vari munyika yako vanofungawo saizvozvo.

Nei vakawanda vasinganyanyi kuvimba kuti chitendero chinogona kubatanidza vanhu? Pamwe imhaka yezvavanoziva zvakaitika kare. Pane kuswededza vanhu pedyo napedyo, kazhinji chitendero chave chichivaparadzanisa. Mune zvimwe zviitiko, chitendero chave chichishandiswa kuvharidzira utsinye hwakaipisisa hwave huchiitwa. Chimbofunga mimwe mienzaniso yomumakore 100 bedzi apfuura.

Muzita Rechitendero

Muhondo yenyika yechipiri, vaRoma Katurike vokuCroatia uye vaOrthodox vokuSerbia kuBalkans vairwisana. Mapoka acho ose aiti anotevera Jesu, uyo akadzidzisa vateveri vake kuti vade vavakidzani vavo. Asi, kurwisana kwavo kwakaita kuti pave “nokumwe kupondwa kwakaipisisa kwevanhu vakawanda vomunyika idzodzo kusati kwamboitika munhoroondo yevanhu,” akadaro mumwe mutsvakurudzi. Nyika yakatya zvikuru nokufa kwevarume, vakadzi, nevana vanodarika 500 000.

Muna 1947 vanhu vanenge mamiriyoni 400 vaigara mune rimwe divi reIndia—chinenge chikamu chimwe kubva muzvishanu chevanhu vacho—zvikurukuru vaHindu, vaMuslim, nevaSikh. India payakakamurwa, rudzi rwechiIslam rwokuPakistan rwakaberekwa. Panguva yacho, mazana ezviuru zvevapoteri vokunyika dzacho dzose vakapiswa, vakarohwa, vakatambudzwa, uye vakapfurwa mukuponda kwechitendero kwaitevedzana.

Kuwedzera kumienzaniso inovhiringidza iri pamusoro apa, kutanga kwezana rino remakore kwakaita kuti kutyisidzira kwougandanga kuoneke. Mazuva ano, ugandanga hwaita kuti nyika yose isvinure, uye mapoka akawanda emagandanga anozviti ane ukama nechitendero. Chitendero hachisi kuonekwa sechinosimudzira kubatana. Asi, chinowanzoonekwa sechinokurudzira zvechisimba uye kusabatana. Saka, hazvishamisi kuti magazini yokuGermany inonzi FOCUS yakaenzanisa zvitendero zvikuru zvenyika—chiBuddha, chiKristudhomu, chiConfucian, chiHindu, chiIslam, chiJudha, uye chiTao—nounga hwepfuti.

Kukakavadzana Pachazvo

Kunyange zvazvo zvimwe zvitendero zvichirwisana, zvimwe zvinonetseka nokukakavadzana pachazvo. Somuenzaniso, mumakore achangopfuura, machechi echiKristudhomu akakamurwa nemagakava airamba achiitwa pamusoro pedzidziso. Vose, vafundisi nevateveri vavo vanobvunza kuti: Kuronga mhuri kunobvumirwa here? Zvakadini nokubvisa pamuviri? Vakadzi vanofanira kugadzwa sevapristi here? Chechi inofanira kuona sei ungochani? Chitendero chinofanira kupembedza hondo here? Pamusana pokusabatana kwakadaro, vakawanda vanoshamisika kuti, ‘Chitendero chingabatanidza sei vanhu kana chisingagoni kubatanidza kunyange nhengo dzacho?’

Zviri pachena kuti zvitendero zvose zvakundikana kubatanidza vanhu. Asi zvitendero zvose zvinozivikanwa nokukamukana here? Pane chitendero chakasiyana nezvimwe here—chinogona kubatanidza vanhu?

[Mufananidzo uri papeji 3]

Mapurisa akakuvadzwa pakurwisana kwemapoka echitendero kuIndia muna 1947

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo neKeystone/Getty Images