Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Izvi Zvandipa Chiedza!”

“Izvi Zvandipa Chiedza!”

Mushumo Wevazivisi voUmambo

“Izvi Zvandipa Chiedza!”

DOROTA, mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha muPoland, akaperekedza mwanakomana wake ane makore 14 kukiriniki yepachikoro senguva dzose. Panguva yokuongorora, chiremba wacho, Janina, * akabvunza Dorota mabasa aiitwa nomwanakomana wake kumba.

“Pandinenge ndisingakwanisi, mwanakomana wangu anotigadzirira zvokudya isu tose tiri vatanhatu mumhuri yedu,” akapindura kudaro Dorota. “Anochenesawo mumba nokubatsira kugadzira zvimwe zvinhu zvinenge zvafa pamusha. Anofarira kuverenga. Mudzidzi anoshingaira.”

“Zvinoshamisa,” akadaro Janina. “Ndave ndichishanda pano kwemakore 12, uye handisati ndambonzwa zvakadai.”

Achiona kuti uyu mukana wokupupurira, Dorota akatsanangura kuti: “Vabereki vakawanda nhasi vanokundikana kudzidzisa vana vavo zvakanaka. Ndicho chikonzero nei vana vavo vachiwanzoshaya chiremera.”

“Zvose izvi unozviziva sei?” akabvunza kudaro Janina. “Vabereki vakawanda havana chavanomboziva maererano nezvinhu izvi.”

“Bhaibheri ndiro tsime rinokosha remashoko aya,” akapindura kudaro Dorota. “Somuenzaniso, maererano naDheuteronomio 6:6-9, kudzidzisa vana vedu kunotanga nokuzvidzidzisa isu pachedu. Hatifaniri kutanga kuisa mumwoyo yedu nepfungwa tsika dzatinoda kupinza muvana vedu here?”

“Izvi hazvidaviriki,” Janina akadaro nenzwi guru. “Izvi hazvidaviriki!” Zvadaro akabvunza Dorota kuti Bhaibheri rakamubatsira sei mukurera nokudzidzisa vana vake.

“Tinodzidza Bhaibheri vhiki yoga yoga nevana vedu,” Dorota akatsanangura kudaro. “Tinoshandisa bhuku rine musoro unoti Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.” * Akabva atanga kutsanangura zvakaita bhuku racho uye akataura dzimwe nyaya dzirimo.

“Izvi zvandipa chiedza!” akadaro Janina nenzwi guru. “Ndingaonawo bhuku iroro here?”

Pashure peawa imwe chete, Dorota akadzoka nebhuku racho.

“Uri wechitendero chipi?” Janina akabvunza, sezvaaiongorora bhuku racho.

“Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.”

“Zvapupu zvaJehovha zvinobata sei nevaya vechimwe chitendero?”

“Semabatiro andinoita newe—noruremekedzo,” Dorota akapindura kudaro, achiwedzera kuti: “Chokwadi, tinoshuva kuti dai vasvika pakuziva chokwadi cheBhaibheri.”

“Ndava kutonzwa zviri nani,” akataura kudaro Janina.

Paakanga ava kuda kuenda, Dorota akakurudzira Janina kuverenga Bhaibheri. “Richaita kuti upenyu hwako huve nezvahunoreva nokukubatsira mubasa rako.”

“Wandikurudzira zvikuru kuita kudaro,” akabvuma kudaro Janina.

Nokungwarira uye kutsunga, Dorota akaita kuti kushanya kwenguva dzose kuhofisi yachiremba kugume nouchapupu hwakanaka kwazvo.—1 Petro 3:15.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Harisiro zita rake chairo.

^ ndima 10 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.