Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunzwa Wakachengeteka Pabasa uye Uchigutsikana Zviri Kutyisidzirwa

Kunzwa Wakachengeteka Pabasa uye Uchigutsikana Zviri Kutyisidzirwa

Kunzwa Wakachengeteka Pabasa uye Uchigutsikana Zviri Kutyisidzirwa

“KODZERO yokushanda” ndeyevanhu vose, maererano neUniversal Declaration of Human Rights, yakabudiswa neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose. Zvisinei, nguva dzose kodzero iyoyo haisi yechigarire. Kunzwa wakachengeteka pabasa kunokonzerwa nezvinhu zvakawanda—kubva pamamiriro ezvinhu oupfumi hwenharaunda kusvika kumamiriro ezvinhu omusika wenyika dzepasi pose. Kunyange zvakadaro, panopera basa kana kuti parinotyisidzirwa, kuratidzira, bongozozo, uye kuramwa mabasa zvinowanzotevera. Inyika shoma umo izvi zvisingaitiki. Kunyange shoko rokuti “basa,” akadaro mumwe munyori, “ishoko rinovhiringidza pfungwa, sezvaragara riri.”

Basa rinokosha kwatiri pamusana pezvikonzero zvakawanda. Pane kungotipa mari, rinobatsira kuti tive nepfungwa dzakagadzikana. Basa rinogutsa chido chomunhu chokuva nhengo inosimudzira kubudirira kwenzanga uye kuva nechinangwa muupenyu. Rinoitawo kuti tive nemwero wakati wokuzviremekedza. Ndokusaka kunyange vamwe vanhu vane mari inodarika kutarisira zvavanoda, kana vakodzera kurega basa, vachitoda havo kuramba vachishanda. Chokwadi, basa rinokosha kwazvo zvokuti kusavapo kwaro kunowanzokonzera zvinetso zvikuru munzanga.

Ukuwo, kune vanoshanda asi vachisangana nezvinodzvinyirira zvakawanda kwazvo kubasa zvokuti havazogutswi nebasa ravo. Somuenzaniso, pamusana pomusika une makwikwi kwazvo wanhasi, makambani akawanda akaderedza uwandu hwevashandi kuitira kuderedza mari yaanoshandisa. Izvi zvingaita kuti vashandi vanenge vasara vaite zvakawanda, avo vangafanira kushanda rimwezve basa rokuwedzera.

Michini yemazuva ano, iyo inenge ichifanira kurerutsa upenyu uye kuti basa rikurumidze, ingave iri iyo yawedzera kuomesa zvinhu kumabasa. Somuenzaniso, makombiyuta, nhare yetsamba, uye Indaneti zvinoita kuti vanhu vasarudze kuenda nebasa ravo kumba panopera zuva, saka zvotadzisa kuona musiyano wokumba nokuhofisi. Mumwe mushandi ainzwa sokuti peja yake nenhare yeserura zvekambani zvaiva zvakafanana nechinhu chinomudzora chisingaoneki, zvinoshandiswa nomukuru wake wokubasa.

Kutya kuri kuwedzera kune vanhu vakura vakawanda vari mumabasa edu ari kukurumidza kuchinja mune zvoupfumi ndekwokuonekwa sevasingachadiwi nguva yavo isati yasvika. Maererano neizvi, aichimbova Mumiriri Wekodzero Dzevanhu Chris Sidoti akati: “Zvinoita sokuti pane pfungwa yokuti kana usiri pasi pemakore 40, haukwanisi kushandisa makombiyuta uye michini mitsva.” Saka, vashandi vakanaka vakawanda vaimboonekwa sevachakasimba iye zvino vava kuonekwa sevakwegura kwazvo zvokuti havachabatsiri. Itsekwende zvechokwadi!

Zvinonzwisisika kuti, kudavira kwokuti kushanda nesimba uye kuvimba nekambani kwaderera kwazvo mumakore achangodarika. “Makambani paanobudisa vanhu mabasa pamusana pokungochinja kuduku mumisika yemari, kuvimba nekambani kunova chinhu chekare,” inodaro magazini yokuFrance inonzi Libération. “Chokwadi, unofanira kuzvishandira, kwete kambani.”

Pasinei nezvinetso zviri kuwedzera izvi, kuda kwomunhu kushanda kuri kuwedzera. Saka munguva dzedu dziri kuchinja nokukurumidza, munhu angaona sei zvakanaka basa rokunyika uye, panguva imwe chete achiramba aine pfungwa dzokunzwa akachengeteka nokugutsikana pabasa?

[Mufananidzo uri papeji 3]

Michina yemazuva ano ingave yawedzera kuomesa zvinhu kumabasa