NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA June 2018

Magazini ino ine nyanya dzekudzidza dzaAugust 6 kusvika kuSeptember 2, 2018.

“Umambo Hwangu Hahusi Hwenyika Ino”

Zvakaitwa naJesu nenyaya dzainetsa panguva yake zvinofanira kuita kuti tione sei nyaya dzezvematongerwo enyika uye magariro evanhu?

Ngativei Vamwe Sezvakaita Jehovha naJesu

Ungaitei kuti vanhu vaMwari vawedzere kubatana?

Aigona Kunge Akafarirwa naMwari

Zvakaitwa naRehobhoamu, mambo waJudha, zvinotibatsira kuti tinzwisise kuti chii chinotariswa naMwari patiri semunhu mumwe nemumwe.

Hana Yako Ngaidzidziswe Nemitemo yaMwari Nechokwadi Chisingachinji

Mwari akatipa hana, asi tinofanira kuva nechokwadi chekuti inotitungamirira zvakanaka.

“Chiedza Chenyu Ngachivheneke” Kuti Jehovha Akudzwe

Tinofanira kuita zvinopfuura kungoparidza mashoko akanaka.

NYAYA YEUPENYU

Kunyaradzwa Mumatambudziko Angu Ese

Edward Bazely akasangana nematambudziko emumhuri, kupikiswa pane zvekunamata, zvikanganiso zvake, uye kuora mwoyo.

Kukwazisa Vamwe Kune Simba

Kunyange kwaziso pfupi inogona kubatsira chaizvo.

Unoyeuka Here?

Unokwanisa here kupindura mibvunzo iyi inobva mumagazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura?