Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUKAI! Nhamba 3 2017 | Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari Here?

Bhaibheri rinobva kuna Mwari here kana kuti zvinhu zvirimo dzingoriwo pfungwa dzevanhu?

Magazini ino inotsanangura zvinhu zvitatu zvinoratidza kuti Bhaibheri rakabva kuna Mwari.

 

NYAYA IRI PAKAVHA

Bhaibheri ‘Rakafuridzirwa naMwari’ Here?

Vamwe vanoti bhaibheri rinofanira kunge richibva kuna Mwari. Asi vamwe vanoti ibhuku rengano, rinongotaura nyaya dzakaitika kare uye zvinhu zvirimo dzingoriwo pfungwa dzevanhu.

NYAYA IRI PAKAVHA

Bhaibheri Rinotaura Chokwadi Pazvese

Bhaibheri rinotaura chokwadi pazvinhu zvakadai sekuti chii chinoitika kuti mvura izonaya, ihurumende dzipi dzichava nesimba kana kuti dzichaparara uye rinotipindurawo mibvunzo inokosha yatingava nayo muupenyu.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI

Zvakanakira Kupa Vana Mabasa Epamba

Munopa vana venyu mabasa epamba here? Kuvapa mabasa kunovabatsira kuti vazive kuti kushanda nesimba kunokosha uye zvichaita kuti vafare.

Une Uropi Hwechipiri Here?

Enteric Nervous System (ENS) iri mudumbu mako. Basa rayo nderei?

INTERVIEW

Nyanzvi Yekugadzira Masoftware Inotsanangura Kutenda Kwayo

Dr. Fan Yu pavakatanga kuongorora zvinhu zvine chekuita nemaths, vaibvuma dzidziso yeevolution. Iye zvino vava kubvuma kuti Mwari ariko. Chii chakaita kuti vadaro?

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Ngirozi

Ngirozi dzinowanzobudiswa mumabhuku nemumafirimu. Zvii zvinodzidziswa neBhaibheri nezvengirozi?

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Mvere dzeMbiti Yemugungwa

Dzimwe mhuka dzemumvura dzinotoda mafuta akawanda kuti dzirambe dzichidziyirwa. Asi zvinoitwa nembiti yemugungwa zvakasiyana nezvinoitwa nedzimwe mhuka.

Zvimwe Zviri paIndaneti

Ndingawana Sei Rusununguko Rwakati Wedzerei?

Iwewe unoona sekuti wava kufanirawo kubatwa semunhu akura, asi vabereki vako vangasabvumirana nazvo. Zvii zvaungaita kuti vavimbe newe?

Ndiani Akanyora Bhaibheri?

Kana rakanyorwa nevanhu, tingati iShoko raMwari here? Mashoko aani ari muBhaibheri?