Tevedzera Kutenda Kwavo

Tingabatsirwa sei iye zvino nokudzidza nezvevarume nevakadzi vomuBhaibheri vaiva nokutenda?

Chati Inoratidza Makore Akaitika Zvinhu

Chati inoratidza makore akaitika zvinhu uye mepu zvichakubatsira kufungidzira nguva yakararama vanhu vakatendeka ava vomuBhaibheri uye kuti vaigara kupi.

Tsamba Inobva Kudare Rinodzora

Dare Rinodzora rinokukurudzira kuti unyatsobatsirwa nekuverenga uye kudzidza bhuku rino uri wega uye semhuri.

Sumo

Bhaibheri rine nyaya dzakawanda dzechokwadi dzevarume nevakadzi vakatendeka. Tingabatirwa sei nemienzaniso yavo?

ABHERI

“Kunyange Zvazvo Iye Akafa, Achiri Kutaura”

Chii chatingadzidza nezvaAbheri nokutenda kwake nepo pachingova nezvishomanana zvinotaurwa nezvake muBhaibheri?

NOA

“Akafamba naMwari Wechokwadi”

Noa nemudzimai wake vakasangana nematambudziko api pakurera vana vavo? Vakaratidza sei kutenda pakuvaka areka?

ABRAHAMU

“Baba Vevaya Vose Vanotenda”

Abrahamu akaratidza sei kutenda? Ungada kutevedzera kutenda kwaAbrahamu munzira dzipi?

RUTE

“Kwamunoenda Ndiko Kwandichaendawo”

Nei Rute ainge akagadzirira kusiya hama dzake nenyika yake? Unhu hupi hwaakaratidza hwakaita kuti adiwe naJehovha?

RUTE

“Mukadzi Akanaka Kwazvo”

Nei wanano yaRute naBhoazi ichikosha? Tingadzidzei kuna Rute naNaomi nezvemhuri?

HANA

Akadurura Mwoyo Wake Kuna Mwari Mumunyengetero

Kutenda kwaHana muna Jehovha kwakamubatsira kuti atsungirire mamiriro ezvinhu aiita seasingatsungiririki.

SAMUERI

“Akaramba Achikura Jehovha Ainaye”

Makurire akaita Samueri akanga akasiyana neevamwe vana pakudini? Chii chakaita kuti kutenda kwake kukure paaiva patebhenekeri?

SAMUERI

Akatsungirira Pasinei Nezvinhu Zvaiodza Mwoyo

Tose zvedu tinotarisana nenhamo uye zvinhu zvinoodza mwoyo zvinoedza kutenda kwedu. Kutsungirira kwaSamueri kunotidzidzisei?

ABHIGAIRI

Akaratidza Kungwara

Tingadzidzei kubva pamamiriro ezvinhu ewanano yaAbhigairi ainge akaoma?

ERIYA

Akatsigira Kunamata Kwakachena

Tingatevedzera sei Eriya patinenge tichitaura nevaya vasingabvumirani nezvinodzidziswa neBhaibheri?

ERIYA

Akarinda, Uye Akamirira

Eriya akaratidza sei kuti aiva munhu aigara achinyengetera paaimirira kuti Jehovha azadzise zvaakavimbisa?

ERIYA

Akanyaradzwa naMwari Wake

Zviitiko zvipi zvakaita kuti Eriya aore mwoyo zvikuru, zvokutosvika pakukumbira kuti afe?

JONA

Akadzidza Kubva Pazvikanganiso Zvake

Ungasiririswa here nokutya kwaiita Jona kubvuma basa raainge apiwa? Nyaya yake inotidzidzisa zvidzidzo zvinokosha nezvemwoyo murefu uye ngoni dzaJehovha.

JONA

Akadzidza Kuva Nengoni

Nyaya yaJona ingatibatsira sei kuti tizviongorore nokutendeseka?

ESTERI

Akadzivirira Vanhu vaMwari

Zvinoda kutenda uye ushingi kuti munhu aratidze rudo rwekuzvipira sezvakaita Esteri.

ESTERI

Akaratidza Uchenjeri, Ushingi Uye Kuzvipira

Esteri akaratidza sei kuzvipira achiitira Jehovha nevanhu vake?

MARIYA

“Tarirai! Murandasikana waJehovha!”

Kupindura kunoita Mariya ngirozi Gabrieri kunoratidzei nezvokutenda kwake? Mariya akaratidza humwe unhu hupi hunokosha?

MARIYA

‘Akaafungisisa Mumwoyo Make’

Zvakaitika kuna Mariya muBhetrehema zvakasimbisa kutenda kwake muzvipikirwa zvaJehovha.

JOSEFA

Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake

Josefa akadzivirira sei mhuri yake? Nei akaenda naMariya naJesu kuIjipiti?

MARITA

“Ndakatenda”

Marita akaratidza sei kutenda kunoshamisa kunyange panguva yaaishungurudzika?

PETRO

Akarwisana Nokutya Uye Nokusava Nechokwadi

Kusava nechokwadi kunogona kuva simba rinoparadza. Asi Petro akakurira kutya uye kusava nechokwadi kwaaiita pakutevera Jesu.

PETRO

Akanga Akavimbika Pasinei Nemiedzo

Kutenda kwaPetro kwakamubatsira sei kuti abvume kururamiswa naJesu?

PETRO

Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi

Jesu akadzidzisei Petro nezvekukanganwira? Jesu akaratidza sei kuti ainge akanganwira Petro?

Mhedziso

Ungaramba sei uchisimbisa kutenda kwako uye kuita kuti tariro yako irambe yakajeka mupfungwa?

Zvimwe Zvaunogona Kufarira

KUTENDA MUNA MWARI

Tevedzera Kutenda Kwavo

Tevedzera kutenda kwevarume nevakadzi vanotaurwa muBhaibheri kuti uwedzere kuswedera pedyo naMwari.

MAVHIDHIYO

Tevedzera Kutenda Kwavo—Mavhidhiyo

Ona mavhidhiyo aya kuti udzidze kubva pamienzaniso yevarume nevakadzi vakatendeka vari muBhaibheri.