Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinotaurwa neBhaibheri—Pfupiso

Zvinotaurwa neBhaibheri—Pfupiso
  1. Jehovha anosika Adhamu naEvha vachitarisira kurarama nokusingaperi muParadhiso. Satani anochera zita raMwari uye anomutsa mubvunzo pamusoro pekodzero yaMwari yokutonga. Adhamu naEvha vanobatana naSatani pakupandukira, zvichizounza chivi nerufu pavari uye pavana vavo

  2. Jehovha anotonga vapanduki vacho uye anovimbisa kuti Mununuri, kana kuti Mbeu, ichavapo ichapwanya Satani, ichibvisa migumisiro yose yokupandukira uye chivi

  3. Jehovha anovimbisa Abrahamu naDhavhidhi kuti vachava madzitateguru eMbeu, kana kuti Mesiya, achatonga saMambo nokusingaperi

  4. Jehovha anofuridzira vaprofita kuti vafanotaura kuti Mesiya achagovera mushonga wechivi norufu. Pamwe chete nevaachatonga navo, achatonga saMambo woUmambo hwaMwari, huchagumisa hondo, zvirwere, kunyange rufu

  5. Jehovha anotumira Mwanakomana wake panyika uye anozivisa Jesu saMesiya. Jesu anoparidza nezvoUmambo hwaMwari uye anopa upenyu hwake sechibayiro. Jehovha anobva amumutsa semunhu wemudzimu

  6. Jehovha anogadza Mwanakomana wake saMambo kudenga, zvichiratidza kutanga kwemazuva okupedzisira emamiriro ezvinhu epanguva ino. Jesu anotungamirira vateveri vake vepanyika sezvavanoparidza Umambo hwaMwari mupasi rose

  7. Jehovha anorayira Mwanakomana wake kuti aite kuti Umambo hutonge panyika. Umambo hwacho hunoparadza hurumende dzose dzakaipa, hunounza Paradhiso, hwoita kuti vanhu vakatendeka vakwane. Kodzero yaJehovha yokutonga inorevererwa uye zita rake rinotsveneswa nokusingaperi