Famba naMwari Neushingi

Bhuku rinokubatsira kuti uwedzere kuva nekutenda uye ushingi.

Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira

Dare Rinotungamirira rinovimba kuti bhuku rino richakubatsira kuti utevedzere ushingi hwakaratidzwa nevarume nevakadzi vainge vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri.

MASHOKO EKUSUMA

Unogona Kuwedzera Kuva Neushingi!

Bhuku rino rakagadzirirwa kuti rikubatsire kuwedzera kuva neushingi. Ona kuti Jehovha akabatsira sei vanhu vaiva nechivi kuti vave neushingi uye kuti anogona kukubatsirawo sei.

CHIKAMU 1

CHIKAMU 1

Kubva Pana Inoki Kusvika Panguva yeVatongi

Chikamu chino chinotaura nezvevanhu vatinogona kutevedzera panyaya yekuratidza kutenda uye ushingi, kutangira pana Inoki kusvika pamuprofita Samueri.

Chikamu 1 Chati Inoratidza Makore Akaitika Zvinhu

Chati iri kuratidza makore akararama vanhu vanotaurwa muBhaibheri uye nguva yakaitika zvinhu zvinokosha zvinotaurwa muBhaibheri.

1 INOKI

Akafamba naMwari

Inoki akanga akasiyana nevanhu vakararama panguva yaakararama munzira mbiri. Akazvigona sei? Zvii zvatingadzidza nezveushingi kubva pana Inoki?

2 NOA

Akapa Nyika Mhosva

Nguva yatiri kurarama yakafanana papi neyaNoa? Ona kuti ungava sei neushingi sehwaiva naNoa.

3 SARA

Haana Kufunga Zvekudzokera

Sara akaratidza sei kuti aiva nekutenda uye ushingi?

4 ABRAHAMU

Munhu Wekutanga Kurwa Hondo yaJehovha

Tinodzidzei pakuda kwaiita Abrahamu kununura Roti mwana wemukoma wake? Jehovha akanzwa sei paakaona ushingi uye kutenda kwaiva naAbrahamu?

5 ABRAHAMU

Akateerera Kunyange Pazvakanga Zvakamuomera

Tingatevedzera sei ushingi hwaiva naAbrahamu panyaya yekuteerera Mwari? Nyaya iyi inondidzidzisei nezverudo rwaJehovha?

6 RIBHEKA

Akaenda Kwaakanga Asingazivi

Ribheka aiva neushingi uye kutenda kwakakura. Tinodzidzei pane zvakaitwa naRibheka?

7 JAKOBHO

Akaratidza Ushingi Kuti Adzivirire Mhuri Yake

Zvakaitika kuna Jakobho zvinoratidza sei kuti kurwira chikomborero chaJehovha kushandira zviripo?

8 JOSEFA

Akakunda Muedzo

Ona kuti zvakaitwa naJosefa zvingakubatsirawo sei kuti ukunde miedzo uye kuti utsungirire matambudziko.

9 SHIFRA, PUA, AMRAMU, JOKEBHEDHI, MIRIYEMU

“Nekutenda, Mozisi Akavanzwa”

Shifra, Pua, Amramu, Jokebhedhi naMiriyemu vakaratidza kutenda kwakasimba uye ushingi. Tingavatevedzerawo sei?

10 MOZISI

Akasarudza Zvaaida

Mozisi akasarudza kuitei uye nei akadaro? Unodzidzei kubva pane zvaakaita?

11 MOZISI

“Pinda Muna Farao”

Zvakaitika kuna Mozisi zvinotipa sei chivimbo chekuti Jehovha achatitsigira kunyange patinonzwa sekuti hatikwanisi kuita rimwe basa raanenge atipa?

12 KAREBHI

Akaramba Akavimbika Kuna Mwari

Ona kuti zvakaitwa naKarebhi zvingatibatsira sei kana tikasangana nemuedzo “wekutevera vanhu vazhinji.”

13 JOSHUA

Akateerera Kunyange Pazvaiita Sezvisina Musoro

Zvii zvaiita sezvisina musoro zvakaudzwa Joshua naJehovha? Ndepapi patingatevedzera zvakaitwa naJoshua?

14 RAKABHI

Akasarudza Jehovha

Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naRakabhi? Akakomborerwa sei nekuratidza kwaakaita kuti aiva nekutenda uye ushingi?

15 NAOMI NARUTE

Vakamira Vese Mumatambudziko

Naomi naRute vakaratidza sei ushingi? Tinodzidzei kubva pane zvavakaita?

16 BHERAKI NADHIBHORA

“Chokwadi Ndichaenda Newe”

Bheraki akati aisazoenda kuhondo kana Dhibhora akasaenda naye. Hwaiva hugwara here kana kuti aitoratidza kuti ane kutenda kwakasimba?

17 JAERI

“Akakomborerwa Kupfuura Vamwe Vakadzi”

Ushingi hwakaratidzwa naJaeri paakauraya muvengi waJehovha huchiri kutaurwa nezvahwo. Nei zvichikosha kuti tivewo neushingi hwakadaro kunyanya iye zvino?

18 GIDHIYONI

Ainge Akashinga uye Akangwarira

Ndepapi patingafanira kuratidza ushingi uye kungwarira?

19 JEFTA NEMWANASIKANA WAKE

Vakazadzisa Mhiko Yakaoma

Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naJefta nemwanasikana wake?

20 SAMSONI

Akaratidza Ushingi Paakanga Asina Simba

Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naSamsoni pashure pekunge aita chikanganiso?

21 SAMUERI

Mukomana Akataura Achimiririra Jehovha

Ndepapi pangada kuti wechidiki ave neushingi hwekutsigira zvakarurama?

CHIKAMU 2

CHIKAMU 2

Kubva Mumazuva eMadzimambo Kusvika Pakazovakwazve Jerusarema

Muchikamu chino tichanzwa nezvevanhu vekare vakaratidza ushingi nekutenda, tichitangira pana Jonatani mwanakomana waMambo Sauro, toenda pana Mambo Dhavhidhi uye tozopedzisira nekuongorora zvakaitika pakadzoka vanhu vaMwari vachibva kuutapwa kuBhabhironi kusvika pakazovakwazve Jerusarema.

Chikamu 2 Chati Inoratidza Makore Akaitika Zvinhu

Chati iri kuratidza kuti vanhu vanotaurwa muBhaibheri vakararama makore api uye zviitiko zvinokosha zvakaitika mumakore aitonga madzimambo kusvika pakazovakwazve Jerusarema.

22 JONATANI

Zvaitoda Ushingi Kuti Arambe Akavimbika

Jonatani aifanira kusarudza kuti oramba akavimbika kuna ani. Chii chakamubatsira kuziva kuti oramba akavimbika kuna ani? Tingamutevedzera sei?

23 DHAVHIDHI

Akamirisana Nezihofori

Dhavhidhi aizivikanwa nekuva “murwi akashinga ane simba.” Zvakaitika kuna Dhavhidhi zvakakurudzira sei vamwe? Ukaratidzawo ushingi zvingakurudzira sei vamwe?

24 ABHIGAIRI

Akadzikamisa Zvinhu

Varume nemadzimai vangadzidzei kubva panyaya yaAbhigairi?

25 DHAVHIDHI

Dhavhidhi Aiva Neushingi Hwekuita Zvakanaka

Dhavhidhi akanga awana mukana wekutsiva. Chii chakaita kuti asatsiva? Tingamutevedzera sei?

26 NATANI

Akatsiura Mambo

Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naNatani kana tichida kubatsira shamwari yedu inenge yaita chikanganiso chakakura?

27 MEFIBHOSHETI

Haana Kugumbuka Paakabatwa Zvisina Kunaka

Zvidzidzo zvipi zvinonyaradza zvatinowana kubva pana Mefibhosheti?

28 ASA

Akanga Akanyatsozvipira Kuna Jehovha “Kweupenyu Hwake Hwese”

Zvii zvatingadzidza kubva pane mumwe murume aiva nemwoyo wakanyatsoperera kuna Jehovha?

29 ERIYA

“Mwari Wangu ndiJehovha”

Chii chakabatsira Eriya kuti asarambe achitya?

30 CHIRIKADZI YEKUZAREFATI

Akaratidza Ushingi Munguva Yakaoma

Nyaya yake inotikurudzira sei kuti tivimbe naJehovha?

31 KASIKANA KECHIISRAERI

Kamusikana Kakanga Katapwa Kakataura Neushingi

Zvakaitwa nekasikana aka zvinogona kukurudzira kuti uparidze kunyange paunenge uchitya.

32 ERISHA

“Haiwa Jehovha, Ndapota Svinudzai Maziso Ake”

Ndepapi patingasimbiswa nekuona ngirozi nemaziso edu ekutenda?

33 JEHOYADHA

Akadzivirira Mambo Akanga Asarudzwa naJehovha

Zvii zvakaitwa naJehoyadha zvinoratidza kuti aiva neushingi? Ndepapi pamwe paungatevedzera ushingi hwakaratidzwa naJehoyadha?

34 HEZEKIYA

“Akaramba Akanamatira Kuna Jehovha”

Hezekiya akaratidza kuti aiva neushingi uye kutenda. Tingamutevedzerawo sei mazuva ano?

35 MANASE

Akaratidza Ushingi Paakapfidza

Nei tichiti Manase aiva neushingi hwatinofanira kutevedzerawo?

36 JOSIYA

Akabatsira Vanhu Kuti Vadzoke Kuna Jehovha

Josiya akaratidza ushingi uye akatsigira kunamata kwechokwadi, pasinei nezvakaipa zvakaitika achiri mudiki. Tingamutevedzera sei?

37 DHANIERI

“Akaramba Kuzvisvibisa”

Vechidiki vangatevedzera sei ushingi hwaiva naDhanieri uye kuvimbika kwaainge akaita? Tese tinobatsirwa sei nezvaakaita?

38 VAHEBHERU VATATU

“Vakashayisa Moto Simba”

VaHebheru vatatu vakaratidza ushingi kunyange pavakanga vatarisana nerufu. Tinodzidzei kubva pane zvavakaita zvinoratidza kuti vaizvininipisa, vaiva vanyoro uye vainge vakavimbika?

39 ESTERI

“Kana Ndikaparara, Ngandiparare Hangu”

Esteri aiva neuchenjeri uye aiteerera. Akatokwanisa kuita kuti murume wake aisanamata Mwari amuteerere. Tingadzidzei kubva pane zvaakaita?

40 NEHEMIYA

Akavakazve Masvingo Eguta

Nyaya yaNehemiya inotidzidzisei nezvekushumira Jehovha nemwoyo wese? Vakuru vangamutevedzera sei?

CHIKAMU 3

CHIKAMU 3

Kubva Pana Jesu Kusvika Panguva Yakazofa Muapostora Johani

Muchikamu chino tichadzidza nezvevanhu vakaratidza kutenda uye ushingi panguva yakatanga chiKristu kusanganisira mhandara yechiJudha yainzi Mariya uye tozopedzisira nemuapostora Johani.

Chikamu 3 Chati Inoratidza Makore Akaitika Zvinhu

Chati inoratidza kuti vanhu vemuBhaibheri vanotaurwa muChikamu 3 vakararama makore api. Inoratidzawo zvinhu zvinokosha zvakaitika kubva panguva yakararama Jesu kusvika Johani ava pedyo nekufa.

41 ZEKARIYA NAERIZABHETI

“Vakanga Vakarurama Pamberi paMwari”

Nei Jehovha akati Zekariya naErizabheti vakanga vakarurama? Tingavatevedzera sei?

42 MARIYA

Akashinga Kubvuma

Mariya akapiwa basa rairema rakanga risina mumwe munhu akamboripiwa. Akawanepi ushingi hwekutsungirira kusvikira kumugumo?

43 JOSEFA

Akatakura Mutoro Wacho

Nei tingati vamwe vanababa vechiKristu vanogona kudzidza kubva pane zvakaitwa naJosefa?

44 JOHANI MUBHABHATIDZI

“Hapana Kumbova Nemukuru Kwaari”

Johani akanga ari murume akashinga airarama upenyu husina zvakawandawanda. Ona kuti tinodzidzei kubva kwaari.

45 PETRO

“Ndiri Munhu Anotadza”

Tinodzidzei kubva pane zvakaitika kuna Petro panyaya yekuramba tichishumira Jehovha pasinei nezvikanganiso zvedu?

46 MARIYA MAGADHARINI

“Ndaona Ishe!”

Mariya akazvipira kuti abatsire Jesu nevateveri vake. Tingatevedzera sei Mariya pakuva vanhu vane ushingi uye vanonzwira vamwe tsitsi?

47 MARIYA, HANZVADZI YARAZARO

“Aita Zvaagona”

Jesu akarumbidza Mariya hanzvadzi yaRazaro nekuratidza kwaakaita kuti aiva nekutenda uye ushingi. Akaratidza sei ushingi? Tingamutevedzera sei mazuva ano?

48 STEFANI

“Akanga Azere Nekutenda Nemweya Mutsvene”

Stefani ari kutongerwa mhosva inogona kumuurayisa. Akadzivirira sei kutenda kwake? Zvaakaita zvingatikurudzira sei kuti tirambe takatendeka?

49 PETRO

Akava Dombo

Zvakaitwa naPetro zvinotibatsira sei kuti tivimbe naJehovha uye tikunde?

50 SAURO WEKUTASO

Akashandura Pfungwa Dzake

Chii chakaita kuti munhu aimbotambudza vaKristu zvinotyisa azotendeuka? Tinodzidzei kubva pane zvakaita kwaari?

51 BHANABHASI

“Mwanakomana Wekunyaradza”

Bhanabhasi akashinga kubatsira Sauro ndokuenda naye kuvaapostora. Tingatevedzera sei ushingi hwake uye chido chaaiva nacho chekushumira vamwe?

52 MAKO

“Anondibatsira”

Pasinei nezvinhu zvinoodza mwoyo zvakaitika kwaari, Mako akaratidza ushingi ndokuramba achishumira hama dzake. Tinodzidzei kubva kwaari?

53 PAURO

“Ndinokukurudzirai Kuti Mushinge”

Muapostora Pauro akaratidza sei ushingi panguva yekuti vanhu vese vakanga vakanda mapfumo pasi? Ushingi hwaakaratidza hwakabatsira sei vamwe?

54 MUAPOSTORA JOHANI

Akaratidza Ushingi Panguva Dzakaoma

Muapostora Johani haana kumbobvira abvuma kutyisidzirwa kana kuti kurasa tariro. Tingamutevedzera sei toramba tichifamba naMwari neushingi?

MHEDZISO

MHEDZISO

‘Shinga’

Bhaibheri rakazara nemienzaniso yevarume nevakadzi vakuru nevadiki vakaratidza ushingi nekutsigira Jehovha. Zvakaitika kwavari zvinogona kutikurudzirawo.

Sorry, there are no terms that match your selection.