Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Mushandirapamwe Unokosha Wekutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Muna September

Mushandirapamwe Unokosha Wekutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Muna September

Muna September, tichashanda nesimba kuti tiedze kutanga zvidzidzo zveBhaibheri paimba imwe neimwe tichishandisa bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara! Vaparidzi vanogona kuita upiyona hwebetsero hwemaawa 30. Tichaita sei mushandirapamwe uyu unokosha?

  • Paunoona Munhu Kekutanga: Shandisai zviri papeji yekupedzisira yebhurocha racho kuti munhu afarire uye edzai kumuratidza kuti tinodzidza sei. Musakanganwa vaya vakamboratidza kuti vanofarira kudzidza, kusanganisira dzokerero. Kunyange kana vakamboramba kudzidza, vanogona kufarira nzira itsva yatava kushandisa uye bhurocha redu idzva. Hatifaniri kusiya mabhurocha padzimba dzinenge dzisina vanhu kana kuatumira mutsamba kuvanhu vasina kumboratidza kuti vanofarira. Mumwedzi uyu waSeptember, Dare Rebasa Reungano rinogona kuronga kuti paitiswe mimwe misangano yebasa kuwedzera pane yagara ichiitiswa.

  • Mimwe Mikana: Kana ungano yenyu ichiparidza nezvingoro, isai bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara! Udzai munhu anenge afarira kuti bhurocha racho rinoshandiswa pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Chibvai mamuratidza kuti zvidzidzo zvacho zvinoitiswa sei, kana kuti rongai kuzomuratidza pane imwe nguva. Mutariri webasa anogonawo kuronga kuti vaparidzi vane unyanzvi vaende kunzvimbo dzemabhizinesi dziri mundima yenyu kuti vanotsvaga vanhu vanoda kudzidza Bhaibheri. Unogonawo kuedza kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu vaunoshanda navo kana nevamwewo vanhu vaunosangana navo paunenge usiri muushumiri.

Jesu akatirayira kuti tiparidzire vanhu uye ‘tivadzidzise.’ (Mt 28:19, 20) Dai mushandirapamwe uyu unokosha ukatibatsira kuti tiite zvatakarayirwa naJesu tichishandisa bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara!