Remekedza Chiremera chaJehovha
Pane nyaya yakamuka murenje yaida kuratidza kuti vaIsraeri vaizotsigira Mosesi here kana kuti Kora akanga apanduka. Vana vaKora vakasarudza kutsigira ani? Zvakazoitika zvichabatsira mumwe nomumwe wedu kuongorora maonero aanoita chiremera chaJehovha.