Paseka yekutanga yaikosha zvikuru. Usiku hwacho, Farao paakaziva kuti dangwe rake rainge rafa, akaudza Mozisi kuti: “Simukai mubve pakati pevanhu vangu, mese nevamwe vaIsraeri. Endai munoshumira Jehovha sezvamakataura.” (Eks 12:31) Jehovha akaratidza kuti anodzivirira vanhu vake.
Patinotarisa nhoroondo yevanhu vaJehovha zviri pachena kuti Jehovha ari kuramba achivatungamirira nekuvadzivirira. Izvi zvinoratidzwa mumiziyamu inonzi “Vanhu Vezita raJehovha” iri kumahofisi edu makuru.
ONA VHIDHIYO INONZI KUSHANYIRA MIZIYAMU IRI KUWARWICK: “VANHU VEZITA RAJEHOVHA,” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Kutanga muna 1914, chii chakashandiswa neVadzidzi veBhaibheri kuti vasimbise kutenda kwavo muBhaibheri, uye vakabatsirwa zvakadii?
Miedzo ipi yakavapo muna 1916 na1918, uye chii chairatidza kuti Jehovha aitungamirira sangano rake?
Vanhu vaJehovha vakaramba sei vakavimbika kunyange pavaipikiswa?
Ichokwadi chipi chakanzwisiswa nevanhu vaJehovha muna 1935, uye chakaita kuti vanzwe sei?
Chii chawaona muvhidhiyo chaita kuti uve nekutenda kwakasimba kuti Jehovha ari kutungamirira nekudzivirira vanhu vake?