Enda pane zvauri kuda

Pane “Zvivi Zvinomwe Zvakaipisisa” Here?

Pane “Zvivi Zvinomwe Zvakaipisisa” Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri haritauri kuti pane “zvivi zvinomwe zvakaipisisa.” Kunyange zvakadaro, rinodzidzisa kuti kuva netsika yekuita zvivi zvakakura kunoita kuti munhu atadze kuwana ruponeso. Semuenzaniso, Bhaibheri rinotaura nezvezvivi zvikuru zvakadai seunzenza hwepabonde, kunamata zvidhori, kuita zvemidzimu, kufufutirwa nehasha, uye kudhakwa richizviti “mabasa enyama.” Rinobva razoti: “Vane tsika yokuita zvinhu zvakadai havazogari nhaka youmambo hwaMwari.”​—VaGaratiya 5:19-21. a

Bhaibheri haritauri here ‘nezvezvinhu zvinomwe zvinosemesa Tenzi’?

 Ehe, rinotaura nezvazvo. Maererano neBhaibheri Rinoera, Zvirevo 6:16 inoti: “Kune zvinhu zvitanhatu zvinosemesa Tenzi. Zvinomwe zvinomumisa mwoyo.” Kunyange zvakadaro, Zvirevo 6:17-19 painotaura mienzaniso yezvivi zvacho, hazvirevi kuti inenge ichidonongodza zvese. Asi inotaura zvikwata zvikuru zvinomiririra marudzi ese emabasa akashata, kusanganisira aya anoita zvekufungwa, zvekutaurwa uye zvekuitwa. b

Mashoko ekuti “chivi chinourayisa” anorevei?

 Mune dzimwe shanduro dzemaBhaibheri mashoko aya anowanika pana 1 Johani 5:16. Semuenzaniso, Bhaibheri Dzvene rinoti: “Pane chivi chinourayisa.” Mashoko akashandurwa kuti “chivi chinourayisa” anogonawo kushandurwa kuti “chivi chinounza rufu.” ‘Chivi chinounza rufu’ chakasiyana papi ‘nechivi chisingakonzeri rufu’?​—1 Johani 5:16.

 Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti chivi chese chinoguma nerufu. Kunyange zvakadaro, tinogona kuponeswa pachivi nerufu kuburikidza nechibayiro cherudzikinuro chaJesu Kristu. (VaRoma 5:12; 6:23) Nokudaro, “chivi chinounza rufu” ndechiya chisingafukidzwi nechibayiro chaKristu. Munhu anoita chivi cherudzi urwu anenge akatsunga kurarama achiita chivi zvekuti haambofa akachinja mafungiro ake kana kuti maitiro ake. Bhaibheri rinotaurawo nezvechivi chakadaro sechivi ‘chisingakanganwirwi.’​—Mateu 12:31; Ruka 12:10.

a Zvinhu zvinotaurwa pana VaGaratiya 5:19-21 semienzaniso yezvivi zvakakura hazvisirizvo chete, nekuti pashure pekutaura zvinhu izvozvo, Bhaibheri rinozowedzera mashoko ekuti, “nezvinhu zvakaita seizvi.” Nokudaro, muverengi anenge achikurudzirwa kuti ashandisewo pfungwa dzake kuona zvinhu zvingava zvisina kunyorwa ipapo asi “zvakaita seizvi.”

b Zvirevo 6:16 ine muenzaniso wedimikira rechiHebheru iro rinosimbisa nhamba yechipiri kuburikidza nekuisiyanisa neyekutanga. Matauriro akadai anowanika kakati kuti mumagwaro.​—Jobho 5:19; Zvirevo 30:15, 18, 21.