Enda pane zvauri kuda

Mwari Ndiye Anogara Aronga Zvinhu Zvose Zvinozoitika Here?

Mwari Ndiye Anogara Aronga Zvinhu Zvose Zvinozoitika Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mwari anotiremekedza nokutipa simba rokusarudza zvatinoda panzvimbo pokuti agare akaronga zvichazoitika muupenyu hwedu. Ona zvinodzidziswa neBhaibheri.

  •   Mwari akasika vanhu nemufananidzo wake. (Genesisi 1:26) Isu takasiyana nemhuka pakuti kufanana neMusiki wedu tinogona kuratidza unhu hwakadai serudo uye kubata vamwe zvakanaka. Uye kungofanana neMusiki wedu takasununguka kusarudza zvatinoda.

  •   Zvatinoita zvinogona kutema zvichazoitika mune ramangwana. Bhaibheri rinotikurudzira kuti ‘tisarudze upenyu nokuteerera inzwi raMwari,’ zvichireva kusarudza kuteerera mirayiro yake. (Dheuteronomio 30:19, 20) Hwaizova utsinye kuudza munhu kuti sarudza zvaunoda kuita nepo iye asina rusununguko rwacho. Panzvimbo pokutimanikidza kuti tiite zvaanenge ataura, Mwari anotikumbira nerudo achiti: “Haiwa kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita sorwizi.”—Isaya 48:18.

  •   Kubudirira kwatinoita muupenyu kana kuti kusabudirira hazvirevi kuti ndiMwari akagara azvironga. Kana tichida kubudirira kuita chimwe chinhu tinofanira kushanda nesimba. Bhaibheri rinoti: “Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose.” (Muparidzi 9:10) Rinotiwo: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira.”—Zvirevo 21:5.

 Rusununguko rwatiinarwo pakusarudza chitori chipo chinobva kuna Mwari nokuti rwunoita kuti timude ‘nomwoyo wose,’ nemhaka yokuti ndizvo zvatinenge tasarudza kuita.—Mateu 22:37.

Mwari haasiri iye anoronga zvinhu zvose zvinoitika here?

 Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari ndiye Wemasimbaose, kureva kuti hakuna mumwe munhu anomuudza zvokuita pamashandisiro aanoita simba rake. (Jobho 37:23; Isaya 40:26) Asi haashandisi simba rake pose pose. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti Mwari ‘akaramba achizvidzora’ panyaya ine chokuita neBhabhironi rekare, iro raiva muvengi wevanhu vake. (Isaya 42:14) Ndizvowo zviri kuitika mazuva ano, ari kurega vanhu vachiita zvavanoda vachiitira vamwe zvakaipa. Asi Mwari haasi kuzoramba akapeta maoko.—Pisarema 37:10, 11.