Enda pane zvauri kuda

Zvinomborevei Kuti “Ziso Rinotsiviwa Neziso”?

Zvinomborevei Kuti “Ziso Rinotsiviwa Neziso”?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” waiva pakati pemimwe mitemo yaMwari yakapiwa vaIsraeri naMosesi uye Jesu akatombotaurawo nezvawo muMharidzo Yepagomo. (Mateu 5:38; Eksodho 21:24, 25; Dheuteronomio 19:21) Waireva kuti chirango chaipiwa munhu anenge akanganisa chaifanira kuenderana nemhosva yaakanga apara. a

 Mutemo uyu waishanda pazvikanganiso zvaiitirwa mumwe munhu nemaune. Mutemo waMosesi waiti: “Kutyoka kuchatsiviwa nokutyoka, ziso neziso, zino nezino; chero kuremadza kwaangaita munhu, ndiko kwaanofanira kuitirwawo.”​—Revhitiko 24:20.

 Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” waibatsirei?

 Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” wakanga usingapi munhu mvumo yekuti atsive ega. Asi, waibatsira vatongi vakanga vagadzwa kuti varange zvakakodzera, vasinganyanyisi uye vasingaregeredzi.

 Mutemo wacho waiita kuti munhu asade kukuvadza kana kuronga kukuvadza vamwe nemaune. Mutemo wacho wakatsanangura kuti, “Vaya vanosara [kureva vanhu vaiona Jehovha achiranga vanenge vatadza] vachazvinzwa votya, uye havazomboitizve chero chinhu chipi zvacho chakadai pakati pako.”​—Dheuteronomio 19:20.

 Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” unoshanda kuvaKristu here?

 Kwete, mutemo uyu haushandi kuvaKristu. Waiva pakati pemitemo yakapiwa naMosesi, yakaguma kushanda nekufa kwakaita Jesu.​—VaRoma 10:4.

 Kunyange zvakadaro, mutemo uyu unoita kuti tinzwisise mafungiro aMwari. Semuenzaniso, unoratidza kuti Mwari anoda zvakarurama. (Mapisarema 89:14) Unoratidzawo kuti kutonga kwaMwari kwakarurama pakuti vatadzi vanofanira kurangwa “zvakafanira.”​—Jeremiya 30:11.

 Zvinhu zvisiri zvechokwadi zvinotaurwa nevanhu nezvemutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso”

 Zvavanofunga: Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” waiva neutsinye hwakanyanyisa.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mutemo waisapa vanhu mvumo yekuti vadzvinyirire anenge atadza. Asi pawaishandiswa zvakanaka, waiita kuti vatongi vainge vakagadzwa vape mutongo nekuda kwemhosva yainge yaparwa, asi vasati vaupa vaitanga vaongorora nyaya yacho uye kuti munhu wacho ainge apara mhosva iyi nemaune here. (Eksodho 21:28-30; Numeri 35:22-25) Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” waibatsira kuti vatongi vasaregeredza kana kunyanyisa pakuranga munhu ane mhosva.

 Zvavanofunga: Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” waiita kuti vanhu varambe vachidzorerana chakaipa nechakaipa.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mutemo waMosesi pachawo waiti: “Usatsiva kana kuchengetera vanakomana vevanhu vokwako mafi.” (Revhitiko 19:18) Mutemo uyu waisakurudzira vanhu kudzorera chakaipa nechakaipa asi waivakurudzira kuvimba naMwari uye kuvimba neurongwa hwake hwekuranga vanenge vatadza.​—Dheuteronomio 32:35.

a Mamwe marudzi airarama kare ikako aigadza mimwe mitemo kubva pamutemo uyu, uyo unonzi lex talionis muchiLatin.