Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Njodzi Dzinongoitika Dzoga Ishamhu yaMwari Here?

Njodzi Dzinongoitika Dzoga Ishamhu yaMwari Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Bhaibheri haridzidzisi kuti Mwari ndiye anokonzera njodzi dzinongoitika dzoga dzatiri kuona mazuva ano. Mitongo yaMwari inotaurwa nezvayo muBhaibheri yakasiyana nokure nenjodzi dzinongoitika dzoga.

  1. Mwari asati aita chinhu anotanga aongorora mativi ose. Bhaibheri rinoti: “Munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso; asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.1 Samueri 16:7.

  2. Jehovha anoona zvakaita mwoyo wemunhu mumwe nomumwe uye anoparadza chete vaanoona kuti vakaipa.Genesisi 18:23-32.

  3. Mwari anotanga nokupa nyevero uye kuita izvi kunobatsira kuti vanenge vateerera vaponeswe.

Kakawanda kacho, njodzi dzinongoitika dzoga dzinongoerekana dzaitika pasina kana nyevero, uye dzinouraya kana kukuvadza chero munhu. Asiwo kune rimwewo divi, vanhu ndivo vari kuita kuti njodzi idzi dzinyanye kuitika nemhaka yokuparadza masango, mhepo nezvimwewo uye nokuvaka munzvimbo dzinogona kuitika kudenga kwenyika, madutu emvura kana kuti nzvimbo dzine mamiriro ekunze anogona kukonzera njodzi.

 

Inzwa zvimwe

Njodzi Dzinongoitika Dzega—Dzinoratidza Kuti Mwari Ane Utsinye Here?

Sezvo Mwari wechokwadi achivenga utsinye, sei achibvumira kuti njodzi dzinongoitika dzega dziuraye vanhu vasina mhosva?