MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Mwari Ane Nzvimbo Yaanogara Here?

Shona
Mwari Ane Nzvimbo Yaanogara Here?
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/502012488/univ/art/502012488_univ_sqr_xl.jpg
ijwbq nyaya 8

Mwari Ane Nzvimbo Yaanogara Here?

Mwari Ane Nzvimbo Yaanogara Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Hongu. Mwari anogara kudenga. Ona zvinotaurwa nemavhesi aya omuBhaibheri:

 Mambo Soromoni paainyengetera akati: “Teererai muri kumatenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara isingachinji.”​—1 Madzimambo 8:43.

 Jesu Kristu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vanyengetere vachiti “Baba vedu vari kumatenga.”​—Mateu 6:9.

 Jesu paakamutswa, akapinda “mudenga chaimo, zvino kuti aoneke pamberi paiye Mwari nokuda kwedu.”​—VaHebheru 9:24.

 Mavhesi iwayo anoratidza pachena kuti Jehovha Mwari munhu chaiye uye anogara kudenga kwete kuti ari kwose-kwose.