Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri Rinoti Chii Nenyaya Yokubvisa Pamuviri?

Bhaibheri Rinoti Chii Nenyaya Yokubvisa Pamuviri?

Mhinduro yeBhaibheri

Upenyu hunokosha kuna Mwari. Kunyange mwana ane mazuva mashoma aumbwa mudumbu kuna Mwari atori munhu. Mambo Dhavhidhi akafemerwa kuti anyore pamusoro paMwari kuti: “Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa.” (Pisarema 139:16) Mwari akataura kuti aizotonga munhu anokuvadza mwana achiri mudumbu. Saka, kuna Mwari, kuuraya mwana asati azvarwa hutori humhondi.Eksodho 20:13; 21:22, 23.

Panguva yokusununguka mwana zvinogona kuitika kuti upenyu hunogona kuva pangozi zvokuti mai kana kuti mwana anogona kufa. Kana izvi zvikaitika murume nomudzimai ndivo vanofanira kusarudza zvokuita.