Enda pane zvauri kuda

Ndiani Anonzi “Arufa naOmega”?

Ndiani Anonzi “Arufa naOmega”?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mashoko ekuti “Arufa naOmega” anoreva Jehovha Mwari Wemasimbaose. Mashoko aya anowanika katatu muBhaibheri.—Zvakazarurwa 1:8; 21:6; 22:13. a

Sei Mwari achizviti ndini “Arufa naOmega”?

 Arufa naOmega ndiwo mabhii ekutanga neekupedzisira earufabheti yechiGiriki. Mutauro uyu ndiwo wakashandiswa kunyora chikamu cheBhaibheri chinozivikanwa seTestamende Itsva, icho chine bhuku raZvakazarurwa. Saka mabhii aya anoshandiswa achireva kuti Jehovha ndiye chete wekutanga uye wekupedzisira. (Zvakazarurwa 21:6) Ndiye agara ari Mwari Wemasimbaose uye achangoramba akadaro. Ndiye chete Mwari “kubvira narini kusvikira narini.”—Pisarema 90:2.

Ndiani “wekutanga newekupedzisira”?

 Bhaibheri rinoshandisa mashoko aya richitaura nezvaJehovha uye Mwanakomana wake Jesu, asi achireva zvinhu zvakasiyana. Inzwa mienzaniso miviri

  •   Pana Isaya 44:6, Jehovha anoti: “Ndini wokutanga nowokupedzisira, kunze kwangu hakuna mumwe Mwari.” Mashoko aya anoratidza kuti Jehovha ndiMwari wechokwadi kusvika narini; uye hakuna mumwe kunze kwake. (Dheuteronomio 4:35, 39) Saka muvhesi iyi, mashoko ekuti “wekutanga newekupedzisira” anoreva zvakafanana neekuti “Arufa naOmega.”

  •   Shoko rekuti “wekutanga [pro’tos, kwete arufa] uye wekupedzisira [e’skha·tos, kwete omega]” rinowanikawo pana Zvakazarurwa 1:17, 18 uye 2:8. Mavhesi aya, anoratidza kuti munhu ari kutaurwa nezvake akambofa achibva azomutswa. Saka haasi Mwari ari kutaurwa nekuti haana kumbobvira afa. (Habhakuki 1:12) Asi, Jesu akambofa achibva azomutswa. (Mabasa 3:13-15) Ndiye wekutanga kumutswa aine muviri wemweya kuti ararame kudenga uye achararama ‘nekusingaperi.’ (Zvakazarurwa 1:18; VaKorose 1:18) Jesu ndiye akapiwa basa rekumutsa vamwe vanhu vese. (Johani 6:40, 44) Saka, ndiye akava munhu wekupedzisira kumutswa naJehovha pachake. (Mabasa 10:40) Saka papfungwa iyi, Jesu anogona kunzi “wekutanga newekupedzisira.”

Zvakazarurwa 22:13 inoratidza kuti Jesu ndiye “Arufa naOmega” here?

 Kwete. Hazvizivikanwi kuti ndiani anenge achitaura pana Zvakazarurwa 22:13 uye muchitsauko ichi mune vakawanda vanenge vachitaura. Purofesa William Barclay achitaura nezvevhesi iyi anoti: “Zvinhu zvacho hazvina kunyorwa zvakarongeka; . . . uye zvakaoma kuziva kuti anenge achitaura ndiani.” (The Revelation of John, Volume 2, Revised Edition, peji 223) Saka, “Arufa naOmega” anotaurwa pana Zvakazarurwa 22:13 anogona kunzi ndiyezve Jehovha Mwari anotaurwa mune mamwe mavhesi aZvakazarurwa.

a Rinowanika kechina pana Zvakazarurwa 1:11 muKing James Version. Asi maBhaibheri akawanda haana mashoko aya nemhaka yekuti haawanikwi muzvinyorwa zvechiGiriki zvepakutanga-tanga, akatozoita zvekuwedzeredzwa pava paya.