Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2

Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2

Unoda mazano okuti iwe unogonawo kuvimba nawo! Bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, rinopa mazano akadaro. Bhuku rino rinosanganisira zvakataurwa nevechiduku vakawanda pasi rose. Mazano anoshanda ari muBhaibheri akavabatsira. Iye zvino ona kuti anogona kukubatsirawo sei.

Bhuku rino richakubatsira kupindura mibvunzo ine chokuita ne:

  • Vakomana Nevasikana

  • Kuchinja Kunoitika Muupenyu

  • Ushamwari

  • Chikoro Uye Vezera Rako

  • Nyaya Dzemari

  • Vabereki Vako

  • Manzwiro Ako

  • Varaidzo

  • Kukura Kwako Pakunamata

Unogona kukopa bhuku iri paPDF, kana kukumbira bhuku rakadhindwa nokunyorera hofisi yedu. Cherechedzai Kuti: PDF yebhuku iri yava kukwanisa kuita kuti unyore pane dzimwe nzvimbo. Kana mudziyo waunoshandisa uine software inoita kuti ukwanise kunyora paPDF, unogona kunyora zvaunofunga uye mhinduro dzako mubhuku racho.